TILDA Moyo-Karizamimba, mushamarari ane mukurumbira panhepfenyuro yeStar FM, anoti zvehushamarari zvava muropa uye haafe akazvisiya nekuti ndiko kudya kwake.
Tete Tilda, sekuzivikanwa kwaanoitwa nevatereri venhepfenyuro, anoti hakuna kumwe kune pfungwa dzake kunze kwekushandira huru yadzo, Star FM. Naizvozvo anotarisira kushamarara dakara aenda pamudyandigere, kana kuti izwi rake raenda.
Tilda, uyo achasvitsa makore 50 okuberekwa mumwedzi waChivabvu gore rino, anoti ave nemakore 30 ari mubasa rekutepfenyura zvichireva kuti anyatsoibva kunge waini nekuda kwekugarisa kwaaita mubasa rehushamarari.
Kumusha achibva kuMberengwa uye ndokuzvarirwa kuchipatara cheMpilo Hospital, kuBulawayo, Tilda ndewechipiri mumhuri yevana vanomwe – vasikana vashanu nevakomana vaviri.
Tilda, uyo ane vana vana – vasikana vatatu nemukomana – akaroorana nechibayamoyo chake Harrison Karizamimba avo vose vaanoti vanomutsigira zvikuru mubasa rake.
Vanasikana vaTete Tilda vose vari kunyika yeAustralia kuchiti mwanakomana achiri kuchikoro muno.
Tilda akadzidza kuzvikoro zvinoti Induba Primary School neFounders High School, zvose zviri kuBulawayo.
Akazoitawo zvidzidzo zvekutapa nhau ndokushanda kumakambani maviri akasiyana asati apinda basa semushamararai kuZBC mugore ra1986. Kubva ipapa, Tilda haana kuzoringa shure sezvo nyenyedzi yake yakaramba ichimuvhenekera.
Akashanda kuZBC kusvika muna2001 apo akambosiya ndokutanga kuita bhizimisi rekubika zvekudya vachitengesa pamwe neremarori nemurume wake.
Akazodzokera kuZBC muna2003 dakara mugore ra2014 apo akatanga kushandira Star FM.
Star FM ndiyo nhepfenyuro huru pane dzose muZimbabwe, zvichitevera ongororo dzakaitwa gore rapera.
Zvirongwa zvaTilda panhepfenyuro iyi zvinosanganisira chemusi weChipiri chinonzi Tilda Live icho chinotanga na9 kusvika na12 dzepakati pehusiku uye chine zvikamu zvitatu panenge pachikurukurwa nyaya dzakasiyana dzinoitika muupenyu, dzimwe dzacho dzinotyisa nekushamisa.
Apa panokurukurwa zvinoitika muvanhu kubva na9 kusvika na10 uye ndipo vatereri vanonzwa nzwisa yenyaya dzinotapira dzinenge dzichizobuda mubepanhau reKwayedza resvondo iroro. Kubva na10 kusvika na11 Tilda anenge obata nyaya dzetsika nemagariro.
Chirongwa chemusi weChipiri ichi hachinganzi chakazara kana chisina chikamu chine mukurumbira, cheCouples Quality Time icho chinoitwa kubva na11 kusvika na12. Ndipo panodzikiswa gejo, Tilda achipinda “deep” panyaya dzerudo dzemuimba yekurara. Ndokusaka achitanga akurudzira vana kuti vanorara nokuti zvinotaurwa apa hazvisi zvezera ravo.
“Couples Quality Time inguva inodiwa zvikuru nevatereri. Apa tinozvitaura sezvazviri,” anodaro.
Musi weChina Tilda anobatana naOwen “Ollah 7” Madondo kubva na3 mangwanani kusvika na6 muchirongwa cheBreak Out. Pachirongwa ichi, vachangobva kubatsira kuunganidza mari yemumwe mwana, Epiphania Rufaro Taruvinga, uyo aitsaga rubatsiro rwekuti aende kunodzidza kuCyprus. Baba vaEpiphania vanorwara.
Zvimwe zvirongwa zvake ndezvinoti chemusi weSvondo kubva na3 kusvika na4 mangwanani chekureurura pane zvinoitika mudzimba chinonzi Secret and Confessions.
Zvinotaurwa apa, regai vakuru vachiti chakafukidza dzimba matenga.
Ndipo vatereri vanoreurura vachizobatsirwa nenyanzvi mumatambudziko avo. Vatereri vanogona kuyeuka kuti panotova nevamwe vakuwasha vanoreurura kuti vari murodo naambuya.
Musi mumwe chete uyu ane chirongwa zvakare cheReal Life Issues kubva na9 manheru kusvika na10 apo panenge pachikurukurwa nyaya dzakasiyana.
Tilda anoti anoyemura zvikuru vachakabvu Mbuya Mirriam Mlambo naGodwin Mbofana, avo vaakashanda navo achiri kuZBC vaanoti vakamudzidzisa zvakawanda.
Munguva yake yekutandara, apo anenge asiri pabasa, anoti anonorova “gochi-gochi” nemurume wake uye anofarira nhabvu zvikuru kunyangwe hake asina chikwata chaanonyatsotsigira.
Mutambo waanonyanya kufarira ikarati uyo unotambwa nemhuri yake yose.
Mwanakomana wake, Harrison Junior (15), anotova muchikwata chekarati chenyika.
Vabereki vaTilda, VaJimmy Moyo naMai Leonorah Moyo-Dupwa, vakashaya muna 2006.




