Eriza bvisa yunifomu

NDINOFARIRA Jah Prayzah. Murume uyu ane chipo chikuru kwazvo, uye ari kutandadza nekufadza vanhu vazhinji. Panguva imwe chete, ari kupembedza mutauro wedu zvekuti unonakidzwa kana ukanzwa achiti:

Pungwee, kusvika kwati ngwe!

Ngazvienderere kunge mombe chingwendere . . .

Asi Jah Prayzah anofanirwa kuona kuti simba raave naro rinotyisa. Simba rake isimba rekuti vanhu vanogona kutotevedzera zvavanoona zvichiitwa mumavhidhiyo ake. Simba rake rave simba rekuti vanhu vanomutevera vachimutsvaga kwaari kuridza.

Ndakaona mumwe mukomana achisvikirwa nekutamba Chinamira.

Kana ndiri ini, ndine mwana akazosvika pakukundikana pazvidzidzo nemuhupenyu. Dambudziko rake raive rekutiza kuchikoro kuBoarding achienda kunenge kuchiridza Jah Prayzah.

Iyi haisi mhosva yaJah Prayzah nekuti iye anongoimba nziyo dzake asi haafambe achikumbira vanhu kuti vauye kumashow ake.

Asi pandakazoona mavhidhiyo eDVD raJah Prayzah idzva rine nziyo dzakaita saEriza naChinamira, handina kufara nezvinhu zviviri, uye pandakanga ndisingapomere Jah Prayzah mhosva yekuti mwana wangu aitiza kuchikoro, iko zvino ndave kumupomera.

Vhidhiyo yechimbo chinonzi Eriza yaisafanirwa kushandisa vana vechikoro, chikoro, nevarume vakuru nevakadzi vakuru vachitamba zvinokwezvera kana kumutsa pfungwa dzebonde muvana. Hongu tiri munyika yakasununguka, asi kune dzimwewo nyika vashambadzi vezvinhu zvinogona kukuvadza vana havabvumirwe kushambadza zvinhu zvavo vakanangana nevana.

Kana vakazvishambadza, vanofanirwa kutaura kuti zvine njodzi uye votaura njodzi yacho.

Ini semubereki handina kufara kuti vhidhiyo iyi yakashandisa kutengesa nziyo dzaJah Prayzah kubudikidza nevasikana vanotamba zvinokwezvera kana kumutsa pfungwa dzebonde, pamusoro pazvo vakapfeka yunifomu dzevana vechikoro. Vana vanoda kuchengetedzwa.

Zvino kana tikatarisa nyangwe kutamba kwaEriza kwacho, sepaye paanonotamba akakotamira kune vanhu – ndezvekubhawa izvozvo, hazvina hunhu, uye zvinorasisa vana gwara. Tisingatarise pakurasisa vana chete, zvinopa vana pfungwa dzekupanduka vachikoshesa runako, bonde nekutamba kusina tsika.

Eriza aigona kungotamba akapfeka hembe dzake dzisiri dzevana vechikoro. Vana mazuva ano havachagoneka nenyaya dzekuita bonde vasina kuroorwa kana kuroora.

Havachatya.

Zvino kana tikavaratidza Eriza ane kamini kake achitamba zvekurasa mhapa kudaro tiri kukuchidzira huni dzekuvapisa.

Nyangwe varume vakuru kunze uko, zvinoita sekuti tave kuvapa pfungwa yekuti tusikana twakanaka twunopfichuka kunge Eriza twunowanikwa muzvikoro. Ipapa muchinda Jah Prayzah nevakamubatsira kugadzira firimu vakarasika.

Nyangwe tikabva panyaya yekuisa pfungwa dzakaipa muvana vechikoro, ukaona Eriza achitamba muvhidhiyo yaJah Prayzah unongoona wega kuti ari kuzvishambadza nekudenha varume.

Asika, Jesu akati wese anotarisa mukadzi achimuyeva zvekumuchiva atoita hupombwe naye mumwoyo make. Varume vangani vakaita hupombwe naEriza achitamba achirasa-rasa magadziko nezvidya kudaro?

Kune vakaita seni vakatenga vhidhiyo yaJah Prayzah vachida kuiona nemhuri dzavo vakatandara, asi kana vakaona kupfachurwa kwenyama muvhidhiyo yaEriza neyaChinamira inotambwa nasisi vakapfeka mbada yakati nama-nama nenyama vakakanganisika. Dambudziko riripo nderekuti vana vazhinji vakaona, vanoda kutevedzera zvavaona. Zvino chifunga vana vachitsvaga twuhembe twekuti vafoshorere vanhu nyama dzavo!

Mwari vanoti vanhukadzi vazvishongedze nembatya dzakafanira, vaine kunyara nekuzvidzora. Kupesuka nekupfichuka kwekutengesa nyama kwatave kuona mumavhidhiyo evana veZimbabwe kwave nezvirauro mukati. Handizive kuti dai kuri kunzi musikana ari kutamba Eriza kana kuti Chinamira mwanasikana wako, kana kuti mudzimai wako, waizvionawo sei? Waimuti wakapenga, hauite, dzokororora, zunza here?

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *