
RAKANGE riri besanwa muguta reHarare musi weChitatu svondo rino apo veruzhinji vaigadzirira zororo rePasika, iro richavepo kubva neChishanu chino kusvika neMuvhuro svondo rinouya.
Muzvitoro zvizhinji vanhu vaioonekwa vari mushishi kutenga kudya kunosanganisira mazai anozivikanwa nekuti maEaster eggs.
Vamwewo ndivo vaitenga maruva machena avaiti ndeekunoisa kumarinda ehama dzavo senzira yekuvaranganirira.
Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vanamuzvinhabhizimusi neveruzhinji avo vakapa mafungiro avo pamusoro pezororo iri.
Vamwe vanamuzvinabhizimisi vanoti havazi kuzovhara panguva yePasika sezvo uri mukana wavanoshandisa kuwana mari.
Mai Rose Vambe, avo vane kambani yekusona zvipfeko zveAfrican Attire, inodaidzwa kuti Ashava Designs, vanoti havasi kuzovhara bhizimusi ravo panguva yezororo rePasika.
“Pazororo rePasika ndiwo mukana wedu wekuti tinge tichisangana nevatengi vaye vaimboshaya mikana nekuda kwemabasa. Tichange tichideredza mitengo yezvipfeko izvi nechikamu che50% nekuti ndiyo nguva yatinenge tichida kutenda vatengi vedu nekutitsigira kwavanotiita.
“Vanhu vakawanda vakatotangisa kuuya kuzotenga mbatya dzekuenda kunopfeka vari kuzviitiko zvakasiyana zviriko panguva iyi zvakadai sekunotamba huroora, kurova mapira, kumabiko nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro.
Mai Jerina Mukuchura, avo vanove maneja weGapu Ramarwei Resaurant, vanoti havasi kuzovhara muzinda wavo pazororo.
“Hativhare, tichabikira vanhu mutakunanzwa wavanoda asi tichawanza kudya kwechivanhu kwakadai sehuku dzechibhoyi, mazondo, maguru, sadza remhunga nezvimwe. Tichabika chikafu nehuwandu hwacho nekuti ndiyo nguva inowanza kuuya vanhu semhuri vachitenga kudya kwavo,” vanodaro.
Christopher Mapingidza (29) wekuDzivarasekwa anoti achange achipemberera zuva iri ari kukereke yeKingsway Community Church iri kuBindura.
“Tichanorarira ikoko tichipemberera kufa nekumuka kwaJesu muponesi wedu,” anodaro.
Vamwe vatendi veWatchTower, avo vasina kuda kudura mazita avo, vanoti vanocherechedza zuva iri kuburikidza nekufamba vachipa vanhu mabhuku ane nhoroondo yekufa nekumuka kwaJesu Kristu.
“Tichatangisa kupemberera kufa nekumuka kwaJesu nhasi (Chitatu svondo rino) kutanga kuma6 manheru nekuti ndizvo zviri pakarenda redu rechiJewish,” vakadaro.




