Zvekuzopara ngozi ini handidi

MAKASIMBA here Tete Chiapangamazano? Ndiri mukadzi ane makore 22 ekuberekwa, murume wangu aine makore 28. Tine mwana mumwe chete ane makore mashanu. Dambudziko rangu nderekuti murume wangu akaita mumwe mwana kunze uyo atova nemakore maviri azvarwa. Nekuda kwezvakaitika izvi, murume uyu akatondibuda mumoyo nemupfungwa dzangu asi tichiri kugara tose. Ndakarwadziwa nezvaakandiitira, ndinombomuregerera asi ndikazvifunga ndinonzwa hasha ndotanga kumuudza zvisirizvo. Murume wangu anoti haachafambidzana nemukadzi waakaitisa mwana uyu asi ndinomboona zvavanotaurirana parunhare rwake. Ndiri kufunga kusiya imba yacho, asi iye anoti ndimuregerere. Tete ini handichaziva, ndodii? Zvekuzopara ngozi ndamufungira pfungwa dzisiridzo handidi.

Nyarai.

Chitungwiza.

MHINDURO:

Dambudziko rako muzukuru riri kusanganikwa naro nevakadzi vakawanda. Asi chandinoziva ndechekuti kuregererana kwakangonaka, uyezve mwana haana mhosva nekuti chisikwa chaMwari.

Zvinorwadza muzukuru asi ndizvo zvavepo saka iwe zvigamuchire. Haangarege kutaura nemukadzi uyu ivo vaine mwana vose. Zvakafanana newe, ukasiyana nemurume iyeye sezvauri kufunga kuita, akanoroorana nemumwe mukadzi zvingaite here kuti urambidzwe kutaura nababa vemwana wako? Handiti munofanira kunge muchironga nezvemwana pamwe chete?

Ini satete vako ndiri kuti garira musha wako, umuregerere nekuti varume ndizvo zvavari. Asi kana uchiona kuti moyo wekuregerera hauna uyezve wave kutya kupara ngozi, chisiya zvako. Ukacherechedza munhau, kune vabereki vari kuuraisa vana vari pakati pokurwa, kana kutoisira murume muchetu kuti afe.

Chiri kundishamisa ndechekuti murume ari kutokumbira ruregerero iwe wotadza kumunzwisisa. Saka unoda kuitwa sei?

Murume anoita chipfambi asi anodzoka kumba chete. Kana uri munhu anonamata unofanira kuziva kuti kuregerera chii, regerera vamwe nekuti potse potse utoriwo nezvako zvaunotadza, kungosiyana kwezvitadzo bedzi.

Kana Mwari vachikwanisa kuregerera tose pasi pano tichipihwa mweya wokufema, iwe uri ani usingakwanisi kuregerera. Vazhinji vari kuchemera dzimba idzi zvichiramba.

Nyatsogara pasi udzamisise pfungwa dzako wochizoona kuti wosiya here kana kuti kwete. Kana zvaramba enda kune vaya vakadzidzira kupanga mazano vanogona kukubatsira.

Tete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *