Zvidavado mumutambo

Munyaradzi Gunduza
Zvidavado zvinoshandiswa pakunyora mutambo uyu:

Fananidzo:

Ndibate ruoko unondigezesa sezvo ndiri kuita sendiri mugango zvekuti mwoyo wangu uri kugochwa semudzonga wenyama p.10

Usangodzungudza musoro unenge damba p.13

Handisi pakuti uputike senhikiti, Cindy p.18

Zvino ukaoma mwoyo sedombo kudaro unoti ndichazoonekwa nani ndava mujeri? P.71

ChiRungu:

Hello madam p.16

Equal rights . . . p17

We are living in a world of competition p.21

No mhani p.21

Chikuwo:

Hongu, huMember of Parliament hwakapera nenguva yahwo! P.17

Titambire mwanangu! P.28

Madimikira:

Pinda nomwenje mudziva ndigokushura mare p.27

Kuzvionera pamhuno sefodya p.65

Mazitaumbiridzwa:

Amai ndivo muparanzvongo, vane ruzivo rwuzere rwunova rwuri kurwarisa Kumbie uyu p.58

Usade kuita manatsamukanwa, wanzwa? P.75

Chituko:

Imbwa yemunhu p.64

Chivakashure chinotsanangura:

Nyambisirwa uri zimuroyi remunhu Cindy p.64

Nyaudzosingwi:

Chete mwoyo wauinawo ndiwo wakasviba kuti svi-i segunguwo p.75

Muroora wangu uyu aratidza kare kuti anoda kundiona ndava churu, mwoyo wake mbu-u kuchena p.76

MIBVUNZO

  1. Buritsa ugoyanika pachena unhubu hunoitwa nevanhukadzi semaburitsirwo azvinoitwa naCindy munyaya iyi.
  2. Wakanangana nehupenyu hwaCindy, ungati akateerera here dzidziso yaRegina naZariro yekuti agare nemhuri yemurume wake zvakanaka?
  3. Tsanangura zvinogutsa nzira dzakashandiswa nemunyori kuruka mutambo uyu kuti unge uchibuda sezvauri.
  4. Imhangwai dziri kuburitswa nemunyori maererano nehukama hunowanikwa pakati pehama dzemurume nehama dzemukadzi.
  5. Yanika pachena zvinhu zvinoitwa naCindy mumutambo uyu zvinoita kuti ave mudzimai anoshoreka zvikuru.
  6. Uchinyatsotsanangura zvinogutsa uye uchipa tsigiro dzakakwana, ipa zvikonzero zvaunoona zvakatokonya munyori uyu kuti abude nemutambo wemhando iyi.
  7. Vanhurume nevanhukadzi vanoburitswa sei mumutambo uyu?
  8. Tsanangura zvinhu zvinokusuwisa kubva mumutambo uyu.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×