Murume nemukadzi voendeswa kudare

Milcah Nhakura

MUKADZI nemurume vakaendeswa kudare nevamwe vanhu vemunharaunda mavo vachipomerwa kuvatuka zvinyadzi, kuvarovera vana vavo nekuvabvisa panzvimbo dzemisika pavanotengesera zvinhu zvavo.

Oxilia Zawa, Precious Zungu, John Nyamurova nevamwe vanosvika vatanhatu vakamhan’arira Esnath Mutema nemurume wake Samson Mutema kuHarare Civil Court.

Zawa anoti vashaiswa rugare nekushungurudzwa naSamson nemukadzi wake.

“Mhuri yekwaMutema inondishaisa rugare, ndinokumbirawo kudzivirirwa. Samson akamborovera mwana wangu pasi, iye zvino atove nedambudziko rechipfuva. Vakamurova vachiti ndokusaka kumba kwenyu muri varombo uye mai vako ipfambi,” anodaro Zawa.

Anoenderera mberi achiti, “Baba ava vakambonditemhera shamhu yemupichisi vakandidzingirira semwana mudiki vachida kundirova. Havagone kugara nevanhu zvakanaka, vanotaura zvinyadzi zvinototishamisawo kuti murume mukuru anodaro. Ndakamboman’ara vakambosungwa asi vakazouya kwandiri vakati vanoda kundipfidzisa.”

Mashoko ake anotsinhirwa naNyamurova achiti raini ravo riri kuchema nekuda kwehunhu hwaSamson nemukadzi wake.

“Vemuraini vanochema-chema nezvinoitwa nemhuri iyi. Ndakatoroverwawo mwana wangu, akadirwa mvura inopisa. Ndakambomhan’ara kumapurisa asi ivo vanototi hamutigone. Vanoshoropodza mudzimai wangu vachiti akashata uye hatina mari,” anodaro.

Nyamurova anoti akamboedza kutaura naSamson kuti vagarisane zvakanaka asi zvaramba.

“Ndakambotaura navo asi vanhu vanozviona sevane mari. Mudzimai wangu ava kushaya chimiro nekutarisirwa pasi kwaanoitwa nemhuri iyi. Ndikasangana navo vanondiita sendisiri murume nekundishoropodza kwavanoita,” anodaro Nyamurova.

Mumwewo akangozivikanwa mudare saFarai anoti, “Ini ndava munhu mukuru, zvebongozozo handidi asi vakauya pamusika pangu vakasudurutsa zvandaitengesa ndokuzviisa padivi. Vanotidzinga pamusika, mai ava (Esnath) vanonditi ndokusaka ndichigara muchikwere chehuku nekuti handisati ndavaka.”

Achipawo divi rake, Esnath anoti haazive kuti sei vavakidzani vavo vachivavenga. “Handizive kuti vakandivengera chii, vanoungana pamusika vachindidenha vachinditi ‘Blackie’. Zvinondirwadza nekuti pandinofamba kunyangwe vana vava kundidaidza nezita iri. Ndakabvisa musika wavo ndichiitira kuti mota dzaiuya kumabiko ekupemberera kuzvarwa kwemwana kumba kwangu,” anodaro.

Anoti vavakidzani vavo vakafurirana kuti vamunyadzise pamwe chete nemurume wake.

Anotsigirwa nemurume wake achiti, “Ndinotodawo kuwirirana nevavakidzani vangu asi havanzwisise, vanotituka.”

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Zawa, Zungu, Nyamurova, Farai nevamwe vavo vatanhatu magwaro erunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *