Zvidhoma zvinodariso: N’anga

Munyori weKwayedza
CHIREMBA wechivanhu wekwaMashambanhaka, kuUzumba, VaBonface Katerere (62), vanoti zviri pachena kuti mudzimai wekuti anojuja mukaka asi asina mwana mucheche uyu ari kuyamwiwa nezvidhoma nekushandisirwa mishonga yakaipa. “Zvidhoma kana kuti zvikwambo zvinoita zvakadai. Izvi zvinoitwa kana nemishonga yekutsvaga kupfuma semari, kana kushaya kwake mbereko kuri kukonzerwa nekushereketerwa. Zvinogona kunge zvichibatana nekubuda mukaka kwake.

“Anoda kubatsirwa nekuti panopera kubuda mukaka uyu zvachose anogona kubva abata pamuviri kana abatsirwa nevanogona. Pavanobatsirwa apa, zvinoda kuti vange vari vose nemurume wake,” vakadaro VaKaterere.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×