Vana 4 nevarume 4

Hardway Nyakuwarwa
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati mukadzi wake uyo akamumhan’arira nenyaya yekusachengeta mhuri ane vana vana avo vanana baba vakasiyana, nekudaro hazvaiita kuti abvise mari yekuriritira vana vevamwe varume. Jairos Veremu akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge aendeswako nemukadzi wake, Wadzanayi Muromo, uyo aida $100 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo.

“Changamire, ndinokumbirawo dare kuti ndiwane mari sezvo murume uyu asingariritiri mwana wake. Akatambira mari anotswanya oga achinwa hwahwa zvekutadza kuziva nzira yekumba apa mwana ava kutoita kwashi.

“Ndinogara kumba kwevabereki vangu vakati huyai nemurume wako tikupei pekuvaka asi iye akaramba. Kumba kwavo ndakaona kuti mashoko acho akawanda chose, ndokufunga kuenda kwedu asi iye anoramba,” akadaro Maromo.
Achipawo divi rake Veremu, akati haakwanise kuchengeta vana vasiri vake ivo vana baba vacho vari vapenyu.

“Ishe wangu, ndinoda kuzivisa dare kuti handigoni kuchengeta vana vemagora. Mukadzi uyu ane vana vake vatatu nevarume vatatu, ini manje ndonzi ndivariritire zvinoitawo here ivo vana baba vavo vari vapenyu? Zvekare ini handigoni kuti ndiende kunogara navana tsano. Kuti ndakapisa musha here? Chandinoda kuti vana vemagora vaende ndiko kuti ndigomupa mari kwete zvimwe zvose izvo.”

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Veremu abvise $65 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×