‘Zvidzivirire iwe pachezvako’

Muchaneta Chimuka
VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti varambe vachitevedza matanho akatarwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) sekupfeka mamasiki, kusaungana uye kugeza maoko nesipo nguva nenguva kuitira kuti nyika ibudirire muzvinangwa zvayo zvekurwisa chirwere cheCovid-19.

Mashoko aya akataurwa naDr Portia Manangazira, avo vanova mukuru wekudzivirirwa kwezvirwere (Epidemiology and Disease Control) mubazi rezveutano nekurerwa kwevana pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare nomusi weMuvhuro.

“Kana tichitaura nyaya dzekutekeshera kwechirwere munyika (epidemiological links), hazvirevi kuti tinenge tichivheneka munhu wose, bodo. Tinenge tichitevedza huwandu hwevanhu vakaonekwa vaine chirwere, nzvimbo dzavanogara nehuwandu hwevanhu vavanosangana navo,” vanodaro.

Dr Manangazira vanoenderera mberi vachiti, “Zvimwe chetezvo nechirwere cheCovid-19, havasi vanhu vose vari kuvhenekwa. Asi kana tikaziva kuti munhu anogara kwakati ane chirwere ichi, panobva paonekwa kuti mikana yakakura zvakadii yekuti chirwere ichi chive munzvimbo imomo.

“Ndiko kusaka tichikurudzira kupfekwa kwemamasiki, kugeza maoko nemvura yakachena uye nesipo nekuregedza kuungana nekuti haungazive mamiriro akaita utano hwemumwe munhu wauri kugara naye kana muvakidzani wako.”

Vanoti kune zvimwe zvigozhero zviri kusanganikwa nazvo munyaya dzeutano izvo zvinoita kuti vanhu vakundikane kuwaniswa rubatsiro uye nyika ikundikane kuzadzikisa zvinangwa zvayo zveAbuja Declaration izvo zvine donzvo rekuona kuti chikamu che60 percent chevanhu munyika vawaniswa nyaya dzeutano.

“Kunyangwe bhajeti reutano rinofanira kunge riine mari inoita kuti zvinangwa izvi zvizadzikiswe.

“Panoda mushandirapamwe webazi rinoona nezvemari nerezveutano kuti nyaya dzeutano dzitsigirwe,” vanodaro.

Vanoti kana Covid-19 iri kuzunguza nyika dzakabudirira seUnited States of America, China neUnited Kingdom, nyika dzichiri kusimukira — idzo dzisina zvekushandisa zvakakwana — dzinofanira kubengenuka nekutora matanho makuru ekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Kunyangwe vanhu vaye vanenge vachinzi vapora kubva kuCovid-19 vanogona kuparadzira chirwere ichi zvekare nekuti ongororo dzichiri kuitwa kuti patsvagwe mishonga inorapa pamwe nemajekiseni ekudzivirira. Chakakosha kuzvidzivirira pachako kwete kutevedzera kuti nhingi zvaasina kupfeka masiki iwe woregedza.

“Utsanana uhwu hunobvira mudzimba chaimo vanhu ngavagare vakaisa mugomo wemvura nesipo pamukova kuitira kuti munhu wose anopinda muchivanze anoziviswa kuti pfuurai neapo mugeze musati mapinda mumba uye muyenzi ngaasvike pamba akapfeka masiki.

“Hazvidi kunyarana nekuti inyaya yeupenyu nerufu,” vanodaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×