Zvikoro nemisoro yavasikana

SEZVO zvikoro zvichivhurwa, regai titange neiri kupisa-pisa mazuvano. Vamwe vanoti mwedzi waMbudzi ishaisa mufaro nokuti unorambidza wanano, kunze kwavana Musinzwi, vanoti hazvisisina basa.  Pamusana peganhuro inounzwa nomwedzi waMbudzi, zvinoreva kuti michato inenge iri jahwi muna Zvita. Kutaura kudai, hakudanwi anonzwa. Zuva nezuva vana Solo naMutsai vari kuchata nokuroorana — nokubvisiranawo pfuma. Zvinofadza kana vanhu vachiri neshungu yokuumba misha nenzira inoyemurika.

Asiwo, zvinozosuwisa ndezvokuti vazhinji vari kupinda mutsvitsa mazuvano, havatori nguva vasati varambana. Kana vakasarambana, unozonzwa zvonzi mumwe ari kuita gumbo mumba, gumbo panze. Kunenge kwave kugarisana zvokunge kumanikidzwa, asi chikuru ndechokuti yave nguva inosuwisa muvazhinji vanoroorana.

Kana tikabvunza zvidza zvepo, tinonzwa kuti kuroorana yaive nzira yokuumba ukama. Paibviswa pfuma, zvaive zvechirango zvokuti ukama husimbe. Zvimwe zvaidaro ndezvokuti kuwana roora racho kwainetsa, nokuti zvaidiwa zvinenge mukonde wechuma zvaitonotsvagwa kuPutukezi (Mozambique) kwaitengeseranwa namaPutukezi.

Dzaive nzendo dzokufamba mumasango mune mhuka dzinorura. Zvichida ndizvo zvaizoita kuti varoorana vagarisane kusvika vaparadzaniswa norufu. Dzavo mhiko vakange vasingaite pamberi pavafundisi nechaunga chavanhu, asi kuti vairemekedza mhuri dzavo dzabvuma kuumba ukama.

Nhasi uno angove mazvake-mazvake, roora richiita kunge richatenga nyika yese yeZimbabwe. Chiremera pakati pevari kuroorana nevabereki vavo zvataramuka zvachose. Asi vanenge vari vanhu vanoita mhiko mumatare emhosva kana kumakereke.

Chimwe chiripo ndechokuti, ko vanhu vanodirei kupinda musvitsa kana vasina mazimari anoita kuti muchato unzi muchato?
Murawo unoti vanobvisa roora ndivo vanokumbira muchato kumadzitezvara. Saka kana muwani achikumbira muchato kuna tezvara, ndiani anosungirwa kubvisa mari dzokuchatisa: tezvara kana mukuwasha novakwake?

Zvinoitwa nemusikana nehama dzake here, nokuti tezvara kana vabvuma kuchatisa mwana wavo zvinenge zvave kureva kuti ndivo vachaona zvese?
Vanhu mazuvano vari kuchatirei? Chionera here? Vabereki vanomanikidza vana here kana kuti makereke anoti, hazvinei kuti wabvisa roora, asi unotofanirwa kuchata muchechi, kuchata muchato wembiri? Mari yacho inobvepi?

Ko yokuti vafundisi vanobhadharwa nokutengerwa masutu apamusoro-soro kupinda zvinopfekwa navabereki, inorevei? Kana zvakadaro, vamwe vafundisi vave nemasutu asingaverengeki kana tikatarisa kuwanda kwemichato.

Chimwewo ndechokuti, vanhu vanochata kuti vawane zvipo here, kupinda musvitsa vachitarisira kuti mari yavachawana yakawanda sei? Vamwe vanopinda muzvikwereti vaine tarisiro yokuti vachawana zvipo zvakawanda zvichaita kuti vadzore zvikwereti. Vamwe vanopinda musvitsa vachivimba nehama neshamwari dzine mari.
Ko ikasabuda mari iyoyo, muchato uchave muchato here, kunyanya matora zvikwereti? Hwaro hwakanaka here hwokutanga nahwo imba?

Zvikoro nemisoro yavasikana:
Muna Ndira vana vari kutanga kana kudzokera kuzvikoro. Chimiro chavanasikana inyaya inofanirwa kuongororwa nebazi redzidzo, vakuru vezvikoro navabereki. Ndinodaro nokuti zvikoro zvizhinji zvave kuti vasikana vauye kuchikoro vakagadzirwa misoro, kurukwa kana kuswatanudzwa vhudzi. Kuti zviitwe izvi, zvinoda vanogadzira misoro kudzimba kana kuma”hair salon”. Zvinoda mari izvozvo!

Vandataura ava vakaita tsvagurudzo, vachaona kuti kunyange pakati pamadzimai anonzi ane mari, vazhinji vavo vari kudimburirwa vhudzi, vogeza, vokama. Vasiri kugerwa, vari kuitwa mhotsi (dread-locks). Hakusi kupenga, kana kusada kugadzirwa misoro yavo sezvavaimboita, asi vanhu vanoziva kuti zvakasunga. Zvino kana zvichiomera vabereki vanovewo ndivo vanobhadhara mari dzechikoro, zvikoro kana vakuru vezvikoro vanofunga kuti vabereki ava vanozowana kupi mari yokugadzirisa misoro yavanasikana vavo?

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *