Zvikwereti kuvadzidzi vekuyunivhesiti

HURUMENDE ine hurongwa hwekuvamba homwe yechikwereti yekubatsira vadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti avo vari kusangana nezvimhingamipinyi zvekushaya zvibatiso zvekuti vange vachikwanisa kukwereteswa mari nemabhengi.

Nguva yadarika vadzidzi ava vakati vari kukundikana kuwana zvikwereti zvemari yekuzvibhadharira fundo yavo nekuda kwekuti havana zvibatiso zvinodiwa nemabhengi kuti vakwereteswe mari.

Mubhajeti ra2019, gurukota rinoona nezvehomwe yenyika, Professor Mtuli Ncube, vakapa $8 miriyoni yekushandisa kubazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina uye mari iyi ichange ichikwereteswa kuvadzidzi nevemabhengi.

Muhurukuro, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Prof Amon Murwira, vanoti Hurumende inoda kuti vadzidzi vakwanise kuwana mari idzi.

“Tine hurongwa hwekuti pave neinishuwarenzi yekubatsira vadzidzi vedu. Ndiko kusaka takati tiri kuita hurukuro nevemabhengi, saka tinotenda kuti tichashandisa nzira dzakasiyana mukuedza kubatsira vadzidzi ava. Ndicho chimwe chikamu chehurongwa hwedu.

“Humwe hurongwa ndehwekuti vadzidzi vanenge vasingakwanise kuwana zvibatiso tinogona kuvabvisira imwe mari toisa kubhengi inoshanda sechibatiso kuitira kuti zvikumbiro zvavo zvezvikwereti zvisarambwe,” vanodaro. – Bulawayo Bureau

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *