Munyori weKwayedza
ZVIPATARA zvakazvimirira izvo zviri kuvheneka nekurapa varwere veCovid-19 asi zvisina kutenderwa kuita basa iri neHurumende zvanzi zvimire uye zviri kuzosungwa nemutemo.
Zvikwata kubva kubazi rezveutano zvakatotanga kufamba zvichiongorora zvipatara zvakazvimirira kuti zviri kutevedzera zvinodiwa nemutemo here.
Munyori mukuru kubazi reutano nekurerwa kwevana, Dr Agnes Mahomva, vanoudza vatori venhau kuti:
“Bazi redu rakaona kuti kune zvipatara zvakazvimirira izvo zviri kurapa varwere veCovid-19 zvisinei nekuti hazvina kunyoreswa. Zvipatara izvi zviri kushanda zvisiri pamutemo uye kuita kwakadai injodzi kuvarwere veCovid-19 nenharaunda uye zvinofanira kumira kushanda izvozvi kusvika zvanyoreswa zvakakwana pamutemo.
“Zvikwata zvedu zviri kufamba zvichiongorora zvipatara izvi nezvimwe kuti zviri kushanda nemazvo here,” vanodaro.
Kubva pakataurwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa kuti Covid-19 idambudziko renyika, Dr Mahomva vanoti pari kuitwa hurongwa hwekuti zvipatara zvose zvishande kurwisa denda iri.
Vanoti bazi ravo rinogamuchira rubatsiro kubva kune vakazvimirira kuti vabatsire vawere veCovid-19.
“Sezvo Covid-19 chiri chirwere chinotapuriranwa, chipatara chakazvimirira chipi nechipi zvacho chinoda kubatsira chinotenderwa kuburikidza nekutanga chanyorera kumunyori mukuru kubazi rezveutano kuti chiongororwe nekubvumirwa kushanda maringe nezviri muPublic Health Act,” vanodaro Dr Mahomva.
Hurumende iri kushanda nesimba kuona kuti zvipatara zvose zveveruzhinji zvakagadzirira kubatsira munyaya dzekurapa vanhu vanenge vabatwa neCovid-19.
Munguva pfupi yadarika, mutevedzeri wemutungamiri wenyika Vice President Constantino Chiwenga — vachiperekedzwa nemutevedzeri wegurukota rezveutano, Dr John Mangwiro — vakamema zvipatara zvinoti Parirenyatwa, Corporate 24, St Anne’s, Marondera neMahusekwa vachiona kuti zvakagadzirira sei panyaya yeCovid-19.
Pari zvino pari kugadziriswa kuti zvipatara zveveruzhinji nezvakazvimirira zvikwanise kurapa varwere veCovid-19.




