Zvirango zvehupfumi ngazvibve

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira vemabhizimisi kwaSeke, reSeke Constituency Business Development Trust, kuMashonaland East rinoti zvirango zveupfumi izvo zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzekumavirira zvinofanirwa kubviswa sezvo zvakonzera matambudziko akawanda kuvanhu vemunyika muno.

Cde Masimba Rubatika (56), avo vanova sachigaro wesangano iri, vanoti nguva yakwana yekuti zvirango izvi zvichibviswa.

“Hatina chatisina munyika yedu yeZimbabwe kubvira kuzvicherwa, zvipfuyo, makambani nenzvimbo dzinoyevedza idzo dzinokwezva vashanyi asi zvose zviri kutadza kufamba zvakanaka kuburikidza nezvirango zveupfumi izvi,” vanodaro Cde Rubatika.

Vanoti zvirango izvi zviri kukonzera kutambura kukuru kwevanhu vemuno.

“Vemabhizimisi tave kutadza kufambira mberi nebasa redu nekuti zvatinofanirwa kushandisa hatizviwane munyika muno nekuda kwekuti hatikwanise kudyidzana nedzimwe nyika zvizere,” vanodaro.

Cde Rubatika vanoti nekuda kwekuomerwa neupenyu, vamwe vechidiki vave kutsvaga nzira dzekutsaudzira dzekurarama izvo zvave kuita kuti vapedzisire vapara mhosva.

“Vechidiki vakawanda havasi kuwana mabasa kunyangwe vakapedza dzidzo kuzvikoro zvepamusoro.

“Nhunzvatunzva nenhubu dzawanda nekuda kwezvirango izvi, vamwe vave kuguma vasungwa voenda kumajeri vachisiya mhuri dzichitambura.”

Cde Rubatika vanoenderera mberi: “Zimbabwe inyika yaizivikanwa iri pamusoro muAfrica munyaya dzeupfumi nekurima izvo zvadzoserwa kumashure nezvirango izvi. Saka tinoda kuti zvirango izvi zvibviswe nyika yedu idzokere pakuva dura rechikafu mudunhu reAfrica nepasi rose.”

Nyika dzemubatanidzwa weSadc gore rapera dzakatara musi wa25 Gumiguru sezuva rekubatana neZimbabwe mukutaura nezwi rimwe chete kuti zvirango zveupfumi izvi zvibviswe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×