Zviri Mugapu: Nyama yemusoro ine dovi

Muchaneta Chimuka

NYAMA yemusoro wemombe ine dovi kudya kune mapuroteni akapamhidzirwa izvo zvinoita kuti muviri ugare wakagwinya uchikwanisa kurwisa zvirwere.

Nyama haingodi kungobika nemafuta bedzi asi zvinodawo kupota uchimbobika zvine musiyano kuti unyautse mumukanwa.

Svondo rino Tafadzwa Chekero wekuZaka, kudunhu reMasvingo anorondedzera mamwe mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Chikari, chipunu, banga, nyama yemusoro wemombe yakaomeswa, munyu, mvura, matomatisi nedovi.

Mabikiro:

Gadza chikari pamoto woisa makomichi mana emvura.

Kana yave kufashaira, geza nyama woicheka zvidimbu wokanda.

Kwidibira zvimbokwata kwemaawa maviri uchipindura-pindura nekupamhidzira mvura.

Isa zvipunu zvitatu zvedovi uchikurunga nechipunu kusvika zvava kukwata segwata-kwata.

Chekerera matomatisi asi worega zvikwate zvakadaro.

Chiisa munyu mushoma woraidza kuti zvaringana here wobura.

Munogona kudya nesadza remhando yamunoda uye kudya uku kune utano.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×