‘Zvishavane inoda zvimwe zvikoro’

Munyaradzi Doma ari kuZVISHAVANE
HURUMENDE iri kukurudzirwa kuti ivake zvimwe zvikoro zvesekondari kuZvishavane zvichitevera kushomeka kwazvo kana zvichienzaniswa nezvepuraimari zviri mudunhu iri.

Kurudziro iri yakaitwa nemumiriri weZvishavane-Ngezi mudare reNational Assembly, Cde John Holder, svondo rapera apo vaiparura zviri pamutemo chikoro cheGeorge Chipadza Secondary School chiri kuMakwasha, mudhorobha reZvishavane.

“Kune zvikoro zvepuraimari zvakawanda asi zvesekondari zvishoma muZvishavane District. Saka tinoda kuti Hurumende irambe ichivaka zvimwe zvikoro zvesekondari.

“Tinoda mamiriro ezvinhu ekuti vana vanobva kupuraimari vanowana nzvimbo zviri nyore kusekondari, izvo zvinova zvisiri kuitika pari zvino zvichiita kuti vabereki vanetseke kuwana nzvimbo dzevana,” vanodaro Cde Holder.

Vanoti vanoshushikana nekudzidza kuri kuita vana vakawandisa muzvikoro zvesekondari mudunhu ravo izvo zviri kuita kuti vamwe vafunde mangwanani, vamwe masikati.

Cde Holder vanoti dambudziko rekushomeka kwezvikoro zvesekondari iri rinoda kugadziriswa nekukasika.

“Tine idi rekuti pari zvino mamiriro akaita nyaya yezvikoro ndeekuti vana vanodzidza pamapuraimari mana vanozoenda pachikoro chesekondari chimwe chete nekuti mapuraimari akawanda kudarika masekondari,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *