Muchaneta Chimuka
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti kunyangwe zvazvo huwandu hwevanhu vari kuenda kunobaiwa majekiseni enhomba ekudzivirira chirwere cheCovid-19 huri kuwedzera, zvakakosha kuti veruzhinji vatambire chirongwa ichi kuti nyika izadzikise zvinangwa zvavo zvekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni (60 percent) vabaiwe kuitira kuti pave nekuchengetedzeka (herd immunity).
Vachitaura pamusangano weBelated World Health Day wavakaita nevatori venhau muHarare nemusi weChina, VaPaul Chinakidzwa, avo vanova Health Promotions Manager kubazi iri, vanozivisazve kuti muZimbabwe majekiseni aya ari kubaiwa pachena uye kune vanoda.
Mhemberero dzeWorld Health Day dzinocherechedzwa nemusi wa7 Kubvumbi gore negore.
“Hatingazivi nguva yatingatora senyika kuti tisvike pachikamu che60 percent chevanhu vanenge vabaiwa majekiseni pakudzivirirwa nekuti zvinoenderana nehuwandu hwevari kuenda kunobaiwa. Chimwe chinhu chatinotarisa kuvapo kwemishonga yacho kuti iri kukwanirana here nehuwandu hwevanhu vari munyika vanova vakakodzera kuti vabaiwe,” vanodaro VaChanakidzwa.
Vanoti kune dzimwe nyika dzakawanda dziri kukundikana kuwana mishonga iyi.
“Kana vanhu vakashaiswa ruzivo rwuzere vanotyira kure nekuti vanenge vachipona nemashoko asiriwo. Isu sebazi rezveutano tiri kuedza nepose patinogona kuita zvirongwa zvekufundisa vanhu maringe nekukosha kwemishonga iyi,” vanodaro.
Chinakidzwa vanoenderera mberi: “Hongu, panogona kuita zvigozhero apo neapo asi matambudziko mashoma iwayo haakunde budiriro huru iri kuunzwa kuburikidza nekudzivirirwa.”
Kusvika nemusi weChina, vanhu 252 932 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (first dose) ekudzivirira Covid-19 munyika yose apo 32 949 vange vatobaiwa echipiri (second dose).
Dr Edmore Munongo, avo vanova National Professions Officer for Non-Communicable Diseases (NCDs kusangano reWorld Health Organisation (WHO), vanoti humwe humbimbindoga uhwo huri kuitwa nedzimwe nyika dzakabudirira apo dziri kutenga mishonga yekudzivirira Covid-19 yakawandisa (vaccine nationalism) huri kuita kuti dzimwe nyika dzikundikane kuiwana.
“Zimbabwe iri kutowaniswa mishonga iyi kuburikidza nerutsigiro rwenyika dzakadai seChina neIndia, pakati pevamwe.
“Dingindira reWorld Health Day regore rino rinoti ‘Kuumba Nyika Ine Utano Hwakaenzana”. Chinangwa chedingindira iri kuburitsa mimwe mikaha iri munyaya dzeutano, zvikuru takatarisana nedenda reCovid-19 apo nyika dzakabudirira dziri kuwana mishonga yakawanda kana zvichienzaniswa nedzinotambura.
“Kune dzimwe nyika dzisati dzawana kana jekiseni rimwe chete kusvika pari zvino nekudaro mikaha iyi inofanira kutariswa kuti nyika dzose dzikunde padenda iri.
“Pachirwere cheCovid-19 panoda mushandirapamwe wemapoka ose kuti tiumbe chinhu chimwe chete,” vanodaro.




