Kingstone Mapupu
CHECHI iri mumusha weSally Mugabe Heights, pedyo neDomboshava, iri kusimudzira raramo yevechidiki panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 nekuvatsigira munyaya dzedzidzo nemabhindauko emabasa emaoko.
Holy Baptised Apostolic Faith inotungamirirwa naBishop Susan Ziki Dube (58) ine donzvo rekuti vechidiki vave nepundutso mukurarama kwavo.
Bishop Ziki Dube vanoti chechi yavo haisarudze vanhu pakubatsira, asi kuti vanotora munhu wose wavanoona aine kodzero yekuti ayamurwe zvichifambirana nekukura kwedambudziko rake.
“Chechi yedu ine mipanda kumativi ose eZimbabwe, toitawo mapazi ari kuZambia, Mozambique nekuMalawi. Nekuda kwedenda reCovid-19 iro rakonzera matambudziko muvanhu, sechechi tapindirawo mukubatsira kuti upenyu hwevanhu hudzokere panzvimbo tichibatsiranawo neHurumende,” vanodaro.
Vanoti vane nzira dzakasiyana dzavanobatsira nadzo vana kuti upenyu hwavo husimukire.
“Izvozvi tine vana vanokwana 16 vatinobatsira muno. Vamwe vanogara pachechi yedu kuSally Mugabe Heights, vamwewo vari kuhama nevabereki vavo tichivapinza chikoro nekuvaitisa makosi emabasa akasiyana,” vanodaro.
Bishop Ziki Dube vanoti kumapazi avo ekune dzimwe nyika, mafundisi ariko vari kubata basa rekusimudzira upenyu hwevechidiki vanoshaya kuti vakwanise kuvandudzika mumararamiro avo.
“Vana vose muno nekunze vatiri kubatsira – vakomana nevasikana – vanodarika 200,” vanodaro.
“Tinopemha kuti tikwanise kubatsira vana vanoshaya ava nekuvaendesa kuchikoro, kuvaitisa zvidzidzo zvemabasa emaoko, kutangisa mabhindauko akatsaukana kumhuri dzavo sekuchengeta huku, kurima mapindu nezvimwe. Izvozvi tine vane chitsama vatakaendesa kunodzidza mabasa kumakambani akasiyana emuno nekunze.”
Bishop Ziki Dube vanoenderera mberi vachiti, “Tine vana vane magwaro echikoro akakwana eFomu 4 ne6 avo tinotsvagira zvekuita uye nekuti vawedzere dzidzo yavo kunyangwe kusvika kuyunivhesiti chaiko muno nekunze.”
Vanoti kune vakaroorana, vanotora vose baba naamai vogara navo pasi vovapa mari nemazano ekutangisa mabhizimisi madiki.
“Takaona kuti nekuoma kwakaita upenyu nekuda kwedenda reCovid-19, mudzimba vanhu vanogara vachirwa vamwe kusvika pakurambana. Saka tinotora vose murume nemudzimai togara navo pasi votaura zvavanoda kuita vozobatsirwa pasina kudzora mari yavanopihwa,” vanodaro Bishop Ziki Dube.
Chechi iyi nguva yadarika yakabatsirawo mutambi wemadhirama Charles “Marabha” Milisi (41) apo akarwara.




