Abel Ndooka
VECHIDIKI vanogara mumusha weMbare, muguta reHarare, vakatanga chirongwa chekuchenesa nzvimbo iyi izvo zvakavaona vachibvisa marara panhandare yeStodart Hall apo pange pave kurasirwa marara neveruzhinji uye huswa huchisiiwa huchingoreba.
Mutungamiri weMbare Junior League – Stanley Kavayi – anoti huchapa hwange hwanyanya panhandare dzenhabvu dziri paStodart Hall sezvo pange pachingorasirwa marara.
Anoti apo nyika iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, hutsanana huri kudiwa zvakanyanyisa kuitira kuti pasave nemukana wekunyuka kwedenda iri.
“Takabatana tiri masangano akasiyana anosanganisira Mbare Junior League, Interfaith League neMbare Sports Development tikanochenesa paStodart Hall nekuti tsvina yange yavepo yakawandisa.
“Nhandare iyi inoshandiswa nevechidiki saka nekumiswa kwange kwakaitwa mitambo nekuda kwedenda reCovid-19, pange pachingorasirwa marara.
“Marara acho ange asisaite, saka isu takazviona tikarangana sevanhu vemunharaunda kuti tiabvise nekuti paari kurasirwa handipo. Marara akaregererwa aripo anogona kutangisa zvimwe zvirwere pakaita rimwe dambudziko, apa tagara tiri kushungurudzwa neCovid-19 nechekare,” anodaro Kavayi.
Anoti chirongwa ichi vachafambira mberi nacho vachitenderera muMbare mose vachichenesa nzvimbo nharaunda kuitira kuti igare yakachena.
“Taramba hutsvina isu sevechidiki, tinoda kugara munzvimbo yakachena. Saka takarangana semasangano akasiyana kuti tipote tichitenderera muMbare yose tichibvisa marara kuitira kuti tigare munzvimbo yakachena,” anodaro Kavayi.




