180000 voinga Judgement Night 3

VANHU vanodarika 12 000 vanotarisirwa kubva kunyika dzakasiyana kuzopinda munamato wechechi yeUnited Family International Church unodaidzwa kuti “Judgement Night 3” uyo uchaitwa husiku hwemusi weChishanu svondo rino kuNational Sports Stadium.

Mutauriri wekereke iyi, Pastor Prime Kufakunesu, vanoti vayenzi vekune dzimwe nyika vairidza nhare kwesvondo rose vachibvunza maringe nenzvimbo dzekurara izvo zvichaita kuti Zimbabwe iwane mari zvichizobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika.

“Vayenzi vakawanda vari kufona vachibvunza maringe nenzvimbo dzekurara kumahotera akasiyana, vamwewo ndivo vari kuzvitsvagirawo voga. Tiri kutarisira huwandu hwevanhu vanodarika 12 000 vachabva kunyika dzakasiyana,” vanodaro.

Pastor Kufakunesu vanoti vari kutarisirawo kuti vanhu vachauya kumunamato uyu vachadarika 180 000 avo vakauya gore rapera.

“Husiku uhwu vanhu vachaona ruwoko rwaMwari uye vavengi vacharwiswa munyika yemweya zvimwe chetezvo nematambudziko nehurombo,” vanodaro.

Vakakurudzira veruzhinji kuti vaende kumunamato uyu nehuwandu hwavo.

“Tiri kutarisira kunzwa nekuona zvinhu zvatisati takambonzwa mukati menhoroondo yeupenyu. Muporofita waMwari Prophet Emmanual Makandiwa vachange varipo kuti vakubatsirei panhuna dzenyu.”

Vanoti vamwe vevayenzi vachabva kunyika dzakaita seGhana, New Zealand, America, Togo, Mozambique, South Africa, kuCentral nekuEast Africa uye Swaziland.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *