Akabviswa zino nemuvakidzani . . . ‘Vende iri ndiye akandidashura’

Sandy Musungata
MURUME wekuti anzwa nekurohwa zvekusvika pakubviswa zino nemuvakidzani wake nenyaya yemuganhu akataridza vende racho mudare seumboo.

Gift Masuka akamhan’arira Den Mharadza kuHarare Civil Court achiti:

“Changamire, ini nemuvakidzani wangu hationane, anondishungurudza zvakanyanya. Mhosva yandakapara handiizive nekuti kana iri nyaya yemuganhu yakagadziriswa asi nanhasi anongondituka.

“Akambondirova akandibvisa zino iri (achibvisa zino rekuisira mukanwa acharatidza vende). Ndatova chirema saka ndati ndipotere kuno.

“Iko zvino akadzura miti yangu yemichero yandakadyara ndokudyara yake. Pandakamubvunza akandishaudha, hapana kana chakasara.

“Ndakatombomhan’ara nyaya yacho kumapurisa ndokuzoivharisa mushure mekunge mudzimai wake andidemberera kuti aizokwangwaya kana ndamusungisa sezvo aiva nekacheche. Asi ndiri kutoona kuti ndakaregerera munhu asingafungi, anodzokorora mabasa akaipa.”

Mharadza akati Masuka ainyepera dare.

“Anotaura zvinhu zvaasina umboo nazvo sekuti paanoti ndakadzura miti yake haana kana kumbondiona. Akaudza mapurisa kuti madhindo ebhutsu aive angu izvo mapurisa akati umboo husina kudzama. Chese chakashata chaaitirwa anoti ndini ndazviita hameno kuti daka raanaro neni nderei?” akadaro Mharadza.

“Ndinoda kuti dare rinzwisisewo zvakare kuti baba ava havashande, vanongoswera vachinetsana nevanhu mumaraini zvekuti handisirini ndega wavari kunetsana naye, munhu chete asina zvekuita.

“Nyaya yezino yakaitika kare-kare mushure mekutadza kunzwisisana pane zvakanga zvaitika ndikamukumbira ruregerero pamusoro pazvo ndikamutengera zino racho.

“Zino racho ndinofungidzira kuti akanga agara asina saka patakarwa akati rakadonha asi izvozvo handina kuzviteedzera, ndakangoti rega ndimutengere,” akadaro Mharadza.

Mutongi Barbra Masinire akati vaviri ava vadzoke kudare zvakare kuzonzwa mutongo wavo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *