
MUZVINABHIZIMISI wekuChitungwiza ari kubatsira vana vanodarika 200, zvikuru vanobva kumhuri dzinoshaya, kuti vakwanise kuwana dzidzo kubvira padanho rekireshi kusvika kuyunivhesiti.
Dr Fredrick Mabamba, avo vane mabhizimisi akasiyana pamwe nezvikoro zvitanhatu nemakireshi muguta iri, vanoti vamwe vevana ava vari kudzidza pachena muzvikoro zvavo.
“Inyaya yekwandakabva nako kuti ndive nezvikoro zvakawanda kudai uyewo nemakireshi acho, kuti vana vasarambe vachitambura kuwana dzidzo. Masekondari nemapuraimari aripo, fundo inotangira kukireshi kana kuti kuZero Grade tozoenda kupuraimari kusvika kusekondari apo tinosvika Form 6. Saka zvose izvi ikodzero yemwana wose,” vanodaro Dr Mabamba.
Vanoti shungu dzavo ndedzekusimudzira fundo munyika vachifambiranawo nechirongwa cheHurumende chekusimudzira upfumi kuburikidza nedzidzo inopa pundutso, cheZim-Asset.
“Muzvikoro zvangu zvose mune vana vanodarika mazana maviri vanoshaya avo vanodzidza pachena. Vana ava vanosanganisira nherera nevane vabereki vanorwara neHIV neAids avo vanosarudzwa nekomiti yezvikoro zvangu vachibatsirana nevabereki,” vanodaro.
“Vana vatinopa mikana iyi yekudzidza pachena tinovatengera mbatya dzechikoro, mabhuku nezvimwe zvinodiwa kusvikira vasvika Form 6. Tine vamwe vatiri kuendesa kumayunivhesiti uye kana mikana iripo, tovatsvagira mabasa zvakare.”
Dr Mabamba vanoti dzidzo ndiyo nhaka yemangwana nekudaro mwana wose anofanira kuwana mukana wekufunda.
“Vana ngativasiirei nhaka isingaparare uyewo isingagone kupihwa mumwe, inove dzidzo,” vanodaro Dr Mabamba.




