Vokusakura nekuzunza kumisika yefodya
MWAKA wekutengeswa kwefodya uchaguma svondo rino nemusi weChishanu (27 Chikumi), unova wakakurumidza kupera zvikuru kana zvichienzaniswa negore rakapera.
Vaive vashandi vemumugodhi vave hurudza
VAMWE vevaimbove vashandi vepamugodhi weTrojan Nickel Mine kuBindura vanosvika 724 vowana raramo kuburikidza nekurima zvichitevera kupihwa kwavakaita minda pane rimwe purazi riri kudunhu iri.
Vana vanoda kubatwa zvakanaka: President
MUTUNGAMIRIRI wenyika, President Mugabe vanoti vanoshushikana zvikuru nekushungurudzwa kuri kuitwa vechidiki zvichitevera kushaya hunhu kwevamwe vanhu vechikuru.
Mapiritsi haakutadzise kupinda denga
VAKURU vemakereke semafundisi vari kukurudzirwa kuti vasape dzidziso kana mharidzo dzinoshoropodza vanhu vari kunwa mapiritsi ezvirwere zvakasiyana, zvikuru maARV mumachechi vachivati vanofanira kupona
MSF sahwira anokunda hama
WAITI ukasvika pane mafaro kana pane vanhu vari kufarira chakanaka chavanenge vaitirwa wainzwa zvichinzi “chigutiro tamba wakaguta hukamaiko hunenge husahwira”, kune hushamwari kana husahwira hunokunda hukama. Sahwira chaiye ukasvikirwa nenjodzi…
Fembera Fembera tione
VAVERENGI svondo rapera takati mufembere, mutiudze kuti munhu wakataburitsa papeji rino ndiani. Takati munhu uyu muimbi ane mukurumbira. Pamusoro pezvo takati zvakare vaverengi gumi vekutanga vachatumira
Wakandipedzera nguva yangu
IMBWA HAIHUKURE SADZA RIMWE zuva, ndakapedzerwa nguva yangu asi kwete sezvakaimbwa naSelmor Mtukudzi. Ini handina kumisirwa mahara, asi ndakapopoterwa ndisina mhosva. Ndakapopoterwa nemunhu aive nehasha dzinenge pari kurwiwa
Vana vechikoro vachabatsirwa
DAMBUDZIKO revana vanoshaya mari dzechikoro kuHurungwe, kuMashonaland West chichava chinhu chakare zvichitevera kuparurwa kwakaitwa homwe yerubatsiro nevamwe vanamuzvinhabhimisi vemudunhu iri.
Zvidawo nemadzinza acho
ICHOKWADI kuti kwatakabva mitunhu chaiyo. Kuti zvino titevedzere mwanza watakafamba nawo zvotoda tichiziva zvakakwana nerudzi rwedu. Zvino kuziva mbuya huudzwaknha nekudaro tikaziva zvidawo zvedu
‘Batsirai vana vakaremara’
VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vasatarisire vana vakaremara pasi asi kuti vaedze nepose pavanokwanisa kusimudzira upenyu hwavo nekuvabatsira mune zvakasiyana, kusanganisira dzidzo yavo.






