‘Regai kusarura vana vakaremara’
DARE reSenate rinoti zvakakosha kuti vana vanorarama nehurema vawane mikana yedzidzo yakaenzana neavo vane mitezo yakaringana.
A-LEVEL — MUBAIRO: George anotsanangurirwa zvainge zvaitika kuchechi
CHITSAUKO 8 (Ongororo: Enderero mberi) Mukuparidza kunenge kuchiita Mufundisi Pasipanodya, anokatanura bhachi rake kwava kuriradzika pakatafura vanhu vose ndokumutarisa. Kana nevana vadiki havana kuita musindo wemhere mhere, vainge vakanyarara
O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Chigange anoronga zvekutiza naRevai
CHITSAUKO 5 (Ongororo: Enderero mberi) Pfungwa iyi inosimbisiswa netsumo inoti, “Rega zvipore akabva murutsva” (50). Vavariro yaRevai ndeyokuti avewo nerugare. Anoziva kuti mberi kwaakananga kunyangwe kuri kure zvakadini, kwaizomuitira pedyo…
Mibvunzo yevana nemhinduro dzacho
SVONDO rapera zvikoro zvinosvika 28 zvekuMudzi District, kuMashonaland East Province, zvakaungana pachikoro cheKotwa High School apo vana, varairidzi nevakuru vezvedzidzo uku vaive negungano rakananga
Mukadzi kupfimba murume: inoita here?
“NDIRI murume ane makore 44 nevana vashanu, ndinotsvakawo mukadzi wekuroora mukobvu, munaku, mushava uye akati rebererei. Ngaange achipinda chechi asi mupositori kwete, achibva kuManicaland uye akaongororwa ropa
‘Ndinosema murume wangu’
MUDZIMAI ari kusvikirwa nemweya wengozi yemunhu akapondwa mudzinza ravo kwaMujinga, kuHurungwe, anoti haachakwanisa kupinda mumachira nemurume wake kuburikidza nekuti ngozi iyi ndeyechirume, nekudaro haidi
SDA ngaive nevabereki vepachikoro: Dokora
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti nhengo dzemasangano anomirira vabereki muzvikoro, emaSchool Development Committees (SDAs), vanofanira kuve vabereki kana vachengeti
Grade 7: Kunaka kunoita derere, makurwe
Ticha Danga SEVANA vakatarisana nebvunzo hatifanirwi kugonyera panzvimbo imwe mukuverenga nekutsvaga fundo. Tinofanirwa kugara tichiita tsvagurudzo dzakasiyana nekuti chaipo panobatwa nevagadziri vebvunzo (examiners)
Hapana huroyi apa!
ZVIITIKO zvenyika hapana anogona kuzvigadzirisa nekuti paunenge uchiti waedza kutaura zvinounza pundutso pakati pevanhu vari kufamba mumumvuri werima nekusaziva ndipo paunoona mikono mitatu yevarume ichizvirova
Chenjedzo dzezveutano dzoparidzwa panhare
BAZI reutano nekurerwa zvakanaka kwevana, rakabatana nekambani yeEconet, rakaparura chirongwa cheEco Healthy icho chichapa veruzhinji yambiro pamusoro pekuchengetedza utano kuburikidza nemashoko anotumirwa




