‘ Tanga gadziriro dzekurima fodya’
VARIMI vanokurudzirwa kutanga gadziriro dzekurima fodya dzemwaka unotevera mumwedzi waChikunguru uno sezvo ino iri nguva yekugadzira mibhedha yembeu dzechirimwa ichi.
Voda mendenenzi kumukuwasha
MUKUWASHA wekusada kuriritira vana vake avo vanogara naambuya vake akazoendeswa kudare. Annamore Munangwa akamhan’arira mukuwasha wake, Timothy Mujabuki, kuHarare Civil Court achida mari yemendenenzi.
‘Uri mhene saka ndipe twangu’
Yvonne Chipato MURUME wekuzvuvirwa kudare nemukadzi wake achinzi awedzere mari yaari kubhadhara yemendenenzi nekuti “imhene” akachema-chema achiti haaikwanise nekuti ari kudya nhoko dzezvironda.
Mashura pagomo rekuwondomoka
VAGARI vemubhuku raChiusika, kwaMasembura, uko kune musha wakawondomokerwa negomo rikauraya munhu mumwe chete nekufushira zvipfuyo nezvokudya gore rapera, vanoti vashaiswa rugare nechipoko chinonzi chamuka
Chipatapata kunokorokoza kuMoza
KUWANIKWA kweimwe mhando yematombo anonzi akakosha kuCabora Bassa, kunyika yeMozambique, kwakonzera kuti vagari vekuMukumbura vaite chipiti-piti kumakomo ari kuwanikwa matombo aya.
‘Mbama dzako dzinondidhaka’
VANHU vaive mudare vakasara vati kanha nekushamiswa apo mumwe mukadzi akati murume wake anomuzvambaradza kusvikira “adhakwa”.
Bira ReChishonal Zvikoro 28 zvakaunganira Kwayedza l Dada nerurimi rwaamai – Chisamba
VANA vechikoro vanokurudzirwa kuti vadade nemutauro werurimi rwaamai sezvo uri iwo unopa mutsigo, hunhu pamwe negwara reupenyu.
A-LEVEL — MUBAIRO: Mudzimai waGeorge anoenda kuchechi
CHITSAUKO 7 (Ongororo: Enderero mberi) Maitiro aKamukombe mumba memukoma wake hamufadzi amai vemba, avo vanoonekwa vachimutarisa vachikwidza nekudzikisa maziso asingabwairi “sechitunha”.
O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Revai onzi akatumwa nevavengi
CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho: Edmore mberi) Gurukota guru pane anoshevedzwa naDzengeni rinonzi Chiremba. Revai anotsanangura rungano rwake kwava kugumisira achiti: vavariro yake yaiva nerugare. Mambo anoramba akatarisa pambonje iri pamhanza…
GRADE 7: Dzimwe mhando dzechikafu
Ticha Danga CHIKAMU chapfuura takatarisa mhando dzezvirimwa asi hatina kubata pamusoro pechibage. Chibage hachina mazita acho echiShona anozivikanwa nemhaka yekuti handisu takatanga kuchirima kuno kunyika yedu yeZimbabwe







