Kunokorwa tsoka chii?
TSIKA yekushereketa kuburikidza nekunokora ivhu repanenge patsika tsoka yemunhu, iro rinozogadzirwa nemishonga nechinangwa chekuda kumurwarisa kana kumupa rushambwa, inonzi yakagara iriko kubvira nakare.
Swanson odzvokora mukombe wechishanu
SHASHA yekutirena mabhiza anokwikwidza mumijaho yakasiyana, Kirk Swanson, anoti ari kugadzirira zvakasimba kuti bhiza rake — Mighty Sha — rigohwina mumakwikwi eCastle Tankard gore rino.
‘Torai Pasuwa naChidzambwa’
VAMWE vatsigiri nevaongorori venhabvu vanoti mutambo uyu unogona kusimukira zvikuru kana shasha mbiri dzekurairidza dzinoti Sunday “Mhofu” Chidzambwa naCallisto Pasuwa vakashanda vose muchikwata chenyika
Magweta akapedza zvidzidzo
KUNYORWA kwemitemo kwakakosha zvikuru mukusimudzira nyika uye kunofanira kuitwa nevashandi vari munyaya dzezvemitemo kuitira kuti vave neruzivo rwemabasa avo, vanodaro Attorney General Advocate Prince
‘Gmb ngaibhadhare varimi nenguva’
MASANGANO anomirira varimi anoti dura renyika reGrain Marketing Board rinofanira kubhadhara varimi vanoendesa zvirimwa zvavo kwariri nenguva kuitira kuti vakwanise kuenderera mberi nemabasa avo.
Humhandara nechimanda
Ndinoda kuwana mukadzi wangu riri gombo’ “TIBVIRE apo iwe, unoti unoda kubvisa mombe yechimanda yekupa vanatezvara vako kuti musikana wako uyo ave mukadzi vako wakamuwana achiri mhandara here iye mukadzi…
Goho rechibage raderera: FAO
GOHO rechibage mudunhu reSouthern Africa riri kutarisirwa kuderera nechikamu che26% izvo zvinogona kuita kuti mitengo yezvekudya inge ichikwira mwaka uno, sangano reFood and Agriculture Organization (FAO) rakazivisa.
‘Fodya ngaipe pundutso’
KAMBANI yePremier Tobacco Auction Floors inoti zvakakosha kuti varimi varime fodya yavo nenzira ine hunyanzvi kuitira kuti igove yemhando yepamusoro inozovapa mari ine pundutso.
Zim Cricket yonanga Pakistan
CHIKWATA chenyika chemutambo wecricket cheZimbabwe Cricket chiri kutarisirwa kunanga kuPakistan mwedzi uno uko chichanotamba mitambo mishanu – miviri yeTwenty20 International matches nemitatu yeOne day
Iriko mishonga yemari: zinatha
MUKURU wesangano ren’anga nemaporofita, reZINATHA, VaGeorge Kandiyero, vanoti zvakaitwa naHonest Sibanda wekuMberengwa, uyo akanotsvaga mishonga yekuti aite mari kuSouth Africa hachisi chinhu chitsva sezvo











