World aids Day yopembererwa

MHEMBERERO dzezuva guru reWorld AIDS Day idzo dzinoitwa pasi rose nemusi wa1 Zvita dzasvika uye Zimbabwe ichaita mhemberero huru kunhandare yeWhite City Stadium, kuBulawayo.

Hurumende yopa zvekushandisa

Muchaneta Chimuka — HURUMENDE yakatanga chirongwa chekupa varimi zvekushandisa zvakadai sefeteraiza nembeu pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

Mwana wekutyorwa ruwoko naticha: Nyaya yakangomira

Kingstone Mapupu — MWANASIKANA wepachikoro cheSaruwe Secondary School, kuSelous, uyo wekuti akarohwa nemudzidzisi wake wechikadzi zvekusara atyoka ruwoko rwerudyi – izvo zvakamutadzisa kunyora bvunzo dzake dzeZimbabwe School Examinations Council

‘ndimi makandiuraya, mukandichekeresa’

– Murume wekupondwa 1987 omuka ngozi Kingstone Mapupu — NGOZI yemurume anonzi akapondwa makore 30 adarika — muna 1987 — nhengo dzemuviri wake ndokuchekereswa mabhizimisi kwaSadunhu Sahumani, kuHonde Valley, kuNyanga…

Varimi vezvipfuyo vosimudzirwa

Kingstone Mapupu — KAMBANI inotengesa kudya kwezvipfuyo kwakasiyana munyika yeCapital Foods yosimudzira varimi kuburikidza nekuvadzidzisa magadziriro ekudya uku pachena pamwe nekuvapa ruzivo pamusoro pezvirwere zvakasiyana.

Mapositori akadirwa doro pamasowe

Kingstone Mapupu — MAPOSITORI eJohane Masowe weChishanu Nyenyedzi Nomwe yekuBudiriro 4, muHarare vanonzi vakarikitwa zvakaomarara kwemazuva mana akatevedzana nechikwata chevanhu vainwa doro, vamwe vavo ndokukuvara.

akafa atukwa neroja

. . . zvekusvitswa kutsime chaiko Kingstone Mapupu — CHEMBERE yemumusha weZengeza 1, kuChitungwiza iri kunzi yakafa masvondo maviri adarika mushure mekunge yatukwa zvekusvitswa kutsime neroja rayo.

Dzosai zvamakaba: President

Tandayi Motsi — PRESIDENT Emmerson Mnangagwa vapa mwedzi mitatu yekuti vanhu nemakambani vakaendesa mari nemidziyo kunze kwenyika nenzira dzechitsotsi vazvidzose muZimbabwe. Mwedzi mitatu iyi inobvira musi waZvita 1 kusvika Kukadzi…

Mubairo wekudanana nemukadzi wemunhu

Gamuchirai Muzanenhamu — SAMUSHA vekupomerwa kuita meso-meso ndokudanana nemudzimai wemuridzi vakazopotera kudare votsvaga kudzivirirwa vachiti vanzwa nekugara vachikinditswa kurohwa nemurume wemukadzi uyu.

‘Njere dzevana dzinoda kuongororwa’

Daphne Machiri — MUKURU wedzidzo kudunhu reManicaland (Provincial Education Director), VaEdward Shumba vanoti zvakakosha kuti muzvikoro muve navanamazvikokota vezvemashandiro enjere – psychologists – sezvo izvi zvichizobatsira mudzidzo yevana.