HURUMENDE svondo rapera yakabhadhara mari inosvika $2 miriyoni yechikoro yevana 8 300 vevaiva varwi yehondo yerusununguko rweZimbabwe nevamwewo vanoshaya.
Mari iyi yakabhadharwa kuburikidza nekumabhanga.
Hurumende nguva yadarika yakaisa padivi $6,4 miriyoni yekubatsira vana 43 000 pasi pehomwe yeWar Veteran School Fees Fund yekuti ibatsire vana vevaiva varwi vehondo yerusununguko mudzidzo yavo.
Izvi zvinotevera chivimbiso chakaitwa nemutungamiri wenyika President Mugabe nguva yadarika kuvarwi vehondo yerusununguko pamusangano wakaitwa muHarare.
Vaiva varwi vehondo ava vanosungirwa kuwana penjeni, mari yevana yechikoro, kubatsirwa panyaya dzeutano neparufu uyewo nekuwaniswa zvikwereti zvekuti vasimudzire raramo yavo.
Vachitaura nevatori venhau svondo rapera, gurukota revarwi vehondo yerusununguko, anamujibha nanachimbwido, Retired Colonel Tshinga Dube, vanoti kunonoka kwekubhadharwa kwemari dzechikoro kuri kukonzerwa nemafambisirwo anoitwa mari pakati pemabhanga.
“Pari zvino tapasisa zvikumbiro 22 500 zvinofanira kunge zvichibhadharwa. Zvisinei, izvi hazvireve kuti ndiwo huwandu hwemari yechikoro inofanira kubhadharwa. Mafomu aya ari kufambiswa uye tiri kushanda siku nesikati kuti basa iri rifambe zvakanaka.
“Sezvamuri kuziva, tine dambudziko ratakatarisana naro kumabhanga, zvisinei, kusvika pari zvino tapedza zvikumbiro zvinosvika 8 300 izvo zvinoda $2,5 miriyoni. Ava vanokwanisa kuwana mari iyi izvozvi.
“Mari iyi iri kutobhadharwa izvozvi uye zvinoenderana nemabhanga acho,” vanodaro Rtd Col Dube. Vanoti havaone pane chakaipa kuti vaiva varwi vehondo ava vange vachibatsirwa neHurumende nekuti bumbiro remutemo wenyika rinoti vanofanira kunge vachiyamurwa muraramo yavo. “Chokwadi chiripo ndechekuti tinofanira kuverenga bumbiro remutemo wenyika, iro risina kunyorwa nevarwi vehondo yerusununguko, asi nebato riri kutonga, mapato anopikisa ezvematongerwo enyika uye munhu wose akawirirana nazvo kuti varwi vehondo vanofanirwa kubatsirwa muraramo yavo, ndizvo zvatiri kuita,” vanodaro.




