Tandayi Motsi
KUSVIKA pari zvino vanhu 5 261 vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 muZimbabwe mushure mekunge vavhenekwa uye vakawanda vavo ndeve muHarare.
Pahuwandu uhu, 2 092 vakatonaya asi vamwe 132 vakafa.
Vanhu 85 vakawanikwa vaine Covid-19 nemusi weSvondo bedzi apo 81 vavo vagara vari munyika muno uye vasina kumbobvira vabuda kunze asi vamwe vana (4) vakabva nayo kuSouth Africa.
Magwaro anoburitswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana epazuva anoratidza kuti dunhu reHarare rine vanhu vakawanda vari kuwanikwa vaine chirwere ichi avo vava 2 035 uye ndiro rine vakawanda vafa zvakare vanosvika 71.
Harare inoteverwa neBulawayo iyo ine vanhu 1 204 vabatwa neCovid-19 ne27 vafa.
Matabeleland South ndiyo iri pechitatu iine varwere vechirwere ichi 507 kunyangwe zvazvo iine vanhu vaviri vafa neCovid-19 kusvika pari zvino.
Mashonaland Central ine vashoma vawanikwa vaine Covid-19 vanova 71 nevaviri vafa.
Nerimwewo divi, dunhu reMasvingo – iro rine vanhu 129 vavhenekwa ndokuwanikwa vaine chirwere ichi – ndiro roga munyika muno kusati kwafa munhu nekuda kweCovid-19.
South Africa kusvika pari zvino yave nevanhu 11 677 vafa neCovid-19 kubva pa683 653 vabatwa nechirwere ichi apo 466 941 vakatopona.
Pasi rose, vanhu 771 518 vafa neCovid-19 kubva pavarwere 21 480 111 vawanikwa vainacho.




