Muchaneta Chimuka
KUUYA kwechirwere cheCovid-19 kwaunzawo huchapa zvichitevera kuraswa kwezvinhu zvakaita semarara emidziyo iri kushandiswa mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi (Personal Protective Equipment kana kuti PPE) iyo inosanganisira mamasiki nemagirovhosi.
Ongororo yakaitwa neKwayedza mumaguta nekumaruwa inoratidza kuti marara emagirovhosi, magogorosi nemamasiki ava kuonenekwa pose-pose zvichinyangadza nharaunda.
Mamwe emarara aya – kunyanya mumaguta nemadhorobha – ari kurasirwa panzvimbo dzinosvikwa nepwere achigumisira otambiswa nevana izvo zvine njodzi kuutano hwavo.
Muzvare Alice Kuvheya – avo vanova director weChitungwiza Residents Trust – vanoshora makanzuru nekusatakura marara nenguva.
“Makanzuru ngaatakure marara uye vanhu vanofanira kunge vaine mabhini mudzimba ekurasira marara panguva iyo akamirira kutakurwa. Saka mabhini iwayo kana akazara uye kanzuru ikanonoka kana kusauya kuatakura ichipa zvikonzera zvekushaya mafuta edzimotokari pakati pezvimwe, zvinoita kuti vanhu vapedzisire voatakura vachinoaunganidza munzvimbo dziri munharaunda imomo. Magumo acho kuona mirwi yemarara emapamba nemaPPEs zvakazara pose-pose uye vana vachizvitambisa,” anodaro.
Kuvheya anoenderera mberi: “Makanzuru ngavaite basa ravo nenguva nekuti magumo acho marara iwaya anoyeredzwa tozoona ava mumadhamu nenzizi idzo dzinotipa mvura yekunwa. Kureva kuti chirwere cheCovid-19 chinogona kuzongoramba chichitenderera matiri nekuda kwekusachengetedzwa kwemarara uku.”
VaRogman Muchengapadare, avo vanova murongi kusangano reNational Action on Used Diapers (NAPUD), vanoti marara anofanira kuchengetedzwa.
“Marara akadai semagirovhosi, mapamba nemamasiki haafanire kungoraswa pose-pose asi kuti atange agezwa nesipo kana sanitizer, ochekwa-chekwa asati akandwa mubhini kuitira kuti asazotambiswe nevana. Kana vana vakabata marara iwayo asina kugezwa, hutachiona hunenge huri maari – hungava hweCovid-19 – hunoramba huchitenderera muvanhu.
“Marara kusanganisira mishonga inenge iri maari akaraswa nenzira dzisina kunaka anosvibisa madhamu nenharaunda zvichikanganisa mamiriro ekunze,” vanodaro.
Vanoti ibasa remunhu wose kuona kuti marara achengetedzwa pane kuti vanhu vasiire basa iri kumakanzuru kana veEnvironmental Management Agency (EMA) bedzi.
Mai Amkela Sidange vanova environmental education and publicity manager kuEMA vanoti panguva iyo vanhu vazhinji vari kugara mudzimba, huwandu hwemarara huri kuwedzera munharaunda dzavanoswera nokudaro zvinoda mushandirapamwe kuti araswe nenzira dzakanaka uye dzisingasvibise nharaunda.
“Mamwe marara, semagirovhosi, mamasiki, mapamba nezvimwe hazviwore saka vanhu vanoda kudzidziswa kuti zvinopatsanurwa sei uye marasirwo azvo.
“Mamwe anogona kupiswa kana kufushirwa pasi kugadzira makombositi anozoshandiswa nemupfudze wekurimisa,” vanodaro.
Hurumende inosimbaradza nyaya dzekupfekwa kwemamasiki, magirovhosi nemidziyo yose inobatsira mukurwisa chirwere cheCovid-19.




