500 000 vodzivirirwa cholera

Paidamoyo Chipunza

VAGARI vanodarika 500 000 vemumisha inoti Glen View, Budiriro, Glen Norah neMbare vachapihwa mishonga yekuvadzivirira kuti vasabatwe nechirwere checholera.

Mishonga iyi inovadzivirira kuchirwere chemanyoka ichi kwemakore matatu.

Chirongwa ichi chakatanga nomusi weChitatu svondo rino uye chinosvika neSvondo apo chichange chichibatsira vane gore rimwe chete rekubarwa zvichikwira.

Vanhu vanodarika 900 000 vemunzvimbo sere dziri muHarare, Chitungwiza neEpworth vachadzivirirwa pasi pechirongwa ichi.

Mishonga iyi ichapihwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) pasi pechirongwa cheInternational Cholera Group (ICG).

Dr Portia Manangazira, avo vanova mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti vanhu vachawaniswa mimwe mishonga yepiri gore rino risati rapera kuti vakwanise kudziviririka kucholera.

“Tiri kutarisira huwandu hwe2,8 miriyoni hwemishonga yekunwa yekudzivirira cholera uye mimwe 500 000 yakatopinda munyika muno. Mimwe 900 000 iri kutarisirwa kupinda nomusi weSvondo uye mimwe ichasara ichauya nekufamba kwenguva. Yekupedzisira ichauya muchikamu chepiri kuti vanhu vadzivirirwe kucholera mumakore matatu kana mashanu ari kutevera,” vanodaro.

Dr Manangazira vanoti Hurumende iri kutarisira kuwana mimwe mishonga yemhando iyi yechikamu chepiri mwaka wemvura usati wasvika.

Hurumende, vanodaro Dr Manangazira, iri kutarisira kuwana mishonga yekurwisa typhoid kubva kusangano reGlobal Alliance for Vaccines and Immunisations (GAVI) munguva pfupi inotevera.

Vanoti magwaro ekukumbira rubatsiro urwu akatoendeswa kwakakodzera.

Kusvika pari zvino, vanhu 49 vafa nekuda kwecholera kubva musi Gunyana 6.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *