590 000 vasungwa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vasunga vanhu vanoda kusvika 600 000 nekuda kwemhosva dzine chekuita nekutyora mitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubvira munaKurume wegore rapera apo pakanyuka denda iri muno.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanhu vakasungwa ava vakatyora mitemo inosanganisira kufamba munguva dzisingatenderwe (curfew), kusapfeka mamasiki nekuungana.

“Vanhu vasungwa nekuda kwekutyora mitemo yeCovid-19 kubva mumwedzi waKurume gore rakapera kusvika izvozvi vanokwana 592 345,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Covid-19 ichiriko uye iri kuuraya nekurwarisa vanhu. Saka tinokurudzira vanhu kuti vatevedze mitemo yose sezvinokurudzirwa nebazi rezveutano.

“Tinoti kuvanhu ngavapfeke mamasiki kwete kuzopfeka kana vaona mapurisa nekuti havasi kupfekera mamasiki mapurisa asi kuti kuitira utano hwavo nehweruzhinji. Vasiri kupfeka mamasiki tiri kusunga.”

Vanoyambira zvakare vemabhizimisi emabhawa nedzimwe nzvimbo dzekutandarira dzinosanganisira manight club vachiti havasati vave kutenderwa kuvhura.

“Tinokurudzira vanhu kuti tisavarairwe nenyaya yechirwere ichi. Hurumende iri kuyambira nguva dzose kuti kunogona kuuya ‘third wave’ yechirwere ichi kana kukasatorwa matanho akakodzera. Munzvimbo dzinowanikwa veruzhinji, tiri kuona vanhu vakaita chitsokotsoko kwakaita sekunotengesera vanhu zvinhu zvakasiyana nekuzviteshi zvemabhazi,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti mapurisa achange achiona kuti mitemo yeWorld Health Organisation (WHO) neyenyika yekurwisa Covid-19 yatevedzwa panguva yezororo rekupemberera kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

Vanoyambirawo vemakombi kuti ari kutenderwa kutakura vafambi bedzi ndeari kushanda ari pasi pekambani yeZupco chete.

“Makombi kana mota dzemishikashika hadzibvumirwe kutakura vanhu inova mhosva huru kuita izvi. Mabhazi emaZupco nemamwe akapihwa matsamba anokodzera kuita izvi ndivo chete vari kutenderwa kutakura veruzhinji,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×