Science & Agric Expo paMhizha Primary

Muchaneta Chimuka
PAKANGA pasingadanwe anonzwa paMhizha Primary School, kuHighfield, muHarare, svondo rapera apo vana veGrade 7 vepo vairatidzira zvavanofunda kuchikamu chesainzi nekurima pasi pechirongwa cheScience & Agricultural Expo.

Vamwe vakuru vezvikoro zviri munharaunda iyi vaivepowo apo vana vepachikoro ichi vakaratidzira zvigadzirwa zvavo zvinosanganisira kuonesana mafemero anoita munhu, nhengo dzemuviri, zviwanikwa, kubika, kurima nemitambo yepasichigare.

Pachikoro ichi pane bindu rakakura iro rinorimwa semuriwo wetsunga, matomatisi, hanyanisi nezvimwe. Pamusoro peizvi, pane chimwe chikamu uko kunochengeterwa tsuro nehuku izvo zvinobatsira vadzidzi vanoita zvekurima pamwe nekuwanisa chikafu kuvashandi vepo.

Vachitaura musi uyu, VaJoseph Kabasa – avo vanova Highglen District Schools Inspector – vanoti chirongwa ichi chinobatsira mukurodza njere dzevana.

“Ndinofara kwazvo kuti kuratidzira kwemabasa ekurima, sainzi neruzivo rwechizvino-zvino uku kunoita kuti vana vadurure hunyanzvi hwavo nekubvisa kutya. Mwana mumwe nemumwe ane chipo chake uye uyu ndiwo mukana wekuti vana vazvisarudzire mabasa avanozoda kuita kana vapedza dzidzo asi zvose zvinobudirira kana paine kuzvipira kwevarairidzi,” vanodaro.

Vanokurudzira zvimwe zvikoro kuti

zvitevere matsimba eMhizha Primary nekuita zvirongwa zvakadai sezvo zvichibatsira mukusimudzira dzidzo.

Mukuru wechikoro ichi, VaPatrick Chitambo, vanoti vari kuedza kusimudzira chikoro chavo mushure mekunge chava nemakore akawanda chichiderera munyaya dzedzidzo nekuda kwematambudziko akasiyana.

“Chikoro chino chakati dererei munyaya dzedzidzo, asi ndinovimba nekufamba kwenguva chichasimuka nekuti tine varairidzi vakafundira basa uye tiri kuwanisa vana vedu zvekushandisa zvakakwana.

“Tine vadzidzi vakawanda vane shungu vanova vachava maEngineer nevafambisi vemabhizimisi akasiyana vemangwana. Ndiko kusaka takaisa chikamu chesainzi nekurima mudzidzo yedu kuti tipe vana hunyanzvi hunozovaumbira mabasa,” vanodaro.

Vanotarisira kuti vadzidzi veGrade 7 vepachikoro chavo vachabudirira mubvunzo dzavo zvekudarika chikamu che85 percent gore rino.

 

 

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×