“DAI NDAKAZIVA HAITUNGAMIRI” naMapira Silitha
Ongororo (Enderero mberi):
Mundima yepiri tinonzwa Lindiwe achitsanangurwa chimiro chake icho chainge chakaisvonakisisa izvo zvinodimikirwa zvichinzi, ainge akaumbwa “zvainwisa mvura” (79). Apo anenge achikurukura nemurume wake, anoratidza kuti haafariri tsika yekuita upombwe apo anoti, “Zviya zvegumbo panze handioni zvichindibata-bata ini” (80). Vaviri ava vaidanana zvikuru izvo zvinodimikirwa zvichinzi “rwaiva tsika nditsikewo varume vaviri kutakudzana bandauko reinda” (80).
Shamwari dzaDavid dzakamboda kumudzividza kuti zano rake rokuendesa mukadzi kunodzidza rainge risina kunaka, asi dzakashamisika dzichiona achienderera mberi izvo zvinonzi “dzakabva dzakanda mapfumo pasi” (80).
VaChihombiro vachisvitsa shoko ravo rerudo kwaari, vanomuti ngaarege kutambudzika iye akakomberedzwa nezvinonaka kana kuti, “Rega kufa nenyota makumbo ari mumvura mwanawe” (82). Iri nyaya yemichato iyi, yaingodimburwa nyore nyore pasina anomboti boi-boi kana kuti “masikati machena madhongi achikuma” (83).
Shamwari yaLindiwe, Susan ari kuti zvinhu zviri kumufambira zvakanaka chaizvo semuchina wakanyatsozorwa mafuta apo anoti, “Ini makumbo angu ari mushuga iwo musoro uri mumajarini” (83). Rume rinoramba kubvuma zvinotaurwa naLindiwe rosimbirira nenyaya yaro izvo zvinonzi, rume iri (VaChihombiro “wanei rume raramba rakaruma muromo wezasi” (83) ndokubva raona kuti chinangwa charo chiri kushairwa manzvengerwo. “Chihombiro akabva aona kuti shiri yake yakanga yatadza kupukunyuka,” zvinonzarwo.
Pavanenge vava kudanana hapadanwi anonzwa zvekuti ushamwari hwaSusan naLindiwe hwakabva hwasungwa mbiradzkondo hukaita “hwemukombe nechirongo” (84). Lindiwe abatwa zvakanaka chaizvo nemurume uyu saka anoda kuona kuti zvinhu zvichafamba sei saka achiti, “Regai tione kunowira tsvimbo nedohwe” (85).
Vari muhotera apo Chihombiro anoona Lindiwe ava kutekenyedzwa uyewo nekunzwa kanenge kadzungu apo anonwa waini, murume anodemba nechemumwoyo kuti zvibve zvaitika. Tinonzwa munyori achiti, “James akatanga kukwenya mhuno nekasiyanwa” (86).
Afunga zvaainge arara achiita naVaChihombiro, Lindiwe anobatwa nenyadzi asi hapana zvazvainge zvichabatsira nekuti zvakaitika zvainge zvakatoitika, painge pasina kudzokera mumashure. Saka zvichinzi, “Yeguchu yakanga yatodeuka kare” (86).
Apo Lindiwe anopihwa sipo, mafuta ekuzora, zvekudya zvemugaba, tumwe tunonaka twakawanda nemadhora makumi mashanu, mwana wemunhu anobva awona kuti apa paita munhu ane zvakawanda izvo aizomupa zvichibva zvanzi, “. . . akanga azviwanira muzhanje wake wakanga usinganetsi kudonhedza mazhanje” (87).
Lindiwe aona kuti apihwa pamuviri muridzi wacho asisabatiki, ndipo apo anoona kuti aitambisa nguva yake pasina zviripo izvo zvinonzi, “Apa ndipo paakatanga kuona kuti akanga atamba nematope pasina mvura” (89). Mumwe mupurisa wechikadzi avo vanouya pakoreji iyi kuzoferefeta nyaya yekuraswa kwekamwana kacheche anoshatirwa chaizvo nekuita kwakadai munhu ndokuonekwa “achidya magaka kupopota” (90).
Kuenzanisa tinokuonawo kuchirunga mutauro. Kufamba kunoita Lindiwe kunotsanangurwa kuchinzi aifamba “kunge munhu ari kukavira nyimo” (79). Kutsvodewa kunoitwa Lindiwe naJames Chihombiro kwakasimba zvokuti kunotsanangurwa kuchinzi akatsvodiwa dakara aibva “seboora raibikwa nesoda” (83).
Machenero akaita hembe yainge yakapfekwa naVaChihombiro anoratidzwa nemunyori apo anoti hembe yake yainge yakachena yakati mburetete “semukaka” (85).



