‘Unoruta kunge bere’…Anodya nenyama mukadzi nevana vachidya mujachu

Janet Chikotosa
IMWE chembere yakachema-chema mudare ichiti murume wayo ane katsika kekutenga nyama achibika pamwe nekudya oga, iye nevana vachinyimwa.

Runyararo Museka akamhan’arira Raymond Musekiwa kuHarare Civil Court achiti kunyangwe zvazvo vachembedzana, amukandisa mapfumo pasi nekuda kwekugarorohwa nekutukwa.

“Murume uyu changamire wangu, tagara tose makore anokwana 45. Kutaura kudai tatove nevakuwasha nevaroora asi mararamire atiri kuita akaoma.

“Nekuchembedzana kwedu tiri tose, anondirova zvakaomarara, kundituka nemashoko anorwadza uye haazive kutenga chikafu pamba.

“Nekukura kwake ikoku, murume wangu achiri kungoita zveshamwarikadzi. Ndaifunga kuti nezera rake iri achanyarawo asi haana kana nyadzi. Ndinoziva kuti varume vanoita shamwarikadzi asi kwete zera irori. Musana wangu wose uzere maronda ekupiswa nemvura nemurume wangu,” akadaro.

Museka akati Musekiwa anomutuka pamberi pevana vavo.

“Haanyare kuti pane vana, anongopopota achitaura zveshamwarikadzi dzake pamberi pavo. Izvozvi kumba kuzere vanhu vakawanda, anongokokorodza vanhu oti huyai kumba mugare asi hapana kana chikafu chaanotenga.

“Murume anotsvinya zvake iyeyu. Anoti akatenga nyama anobva ati ndiye ari kubika, ogogara pamoto murume mukuru kubika. Kuruta rudzii kunge bere kudaro? Hapana waanodya naye nyama iyoyo, anodya oga mhuri yose yakatarisa,” akadaro.

Musekiwa akapikisana naMuseka achiti: “Ndinopikisana nemudzimai wangu. Zera rangu ndingaite shamwarikadzi ndichaidii, ndingaiitisei kana makanditarisawo ishe wangu?

“Mudzimai wangu ndinomuchengeta zvakasimbisisa, zvaari kutaura inhema.

“Amai vake vakashaya manje-manje ndikatenga mombe chaiyo kuti vanhu vadye vachichema ambuya vangu. Panyaradzo ndikatenga mbudzi nehuku. Izvi zvingaitwe nemunhu asingadi mukadzi wake here?

“Mukadzi wangu ndinomuda zvisingaite, uye ndicharamba ndichimuda. Hapana kurambana kwatichaita apa zera redu iri tamirira kufa.”

Mutongi Babra Mateko akapa Museka gwaro redziviriro akati vaviri ava vagarisane murunyararo nekuremerekedzana sezvo vachembedzana vari pamwe chete.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×