Makuva 5 akangoshama

MAKUVA mashanu ekufuma akacherwa pamumwe musha nevanhu vasingazivikanwe kwaSabhuku Marenga, kwaMashayamombe, kuMhondoro, haasati afushirwa.

Makuva aya, anove evanhu vakuru nevadiki, anonzi akangosiiwa asina kufushirwa sezvo vakuru vemusha vari kuda kutanga vaziva kuti mashura aya akakonzerwa nei.

Mashure mekunge makuva aya afuma akacherwa, pamusha pasabhuku uyu pakabva pafiwa nemwanasikana wepo asina kana kumborwara izvo zvakavhundutsa vagari veko.

Nyaya iyi yakasvitswa kwamambo wedunhu iri nekumapurisa ekwaMubayira.

Pakatanga kubuda nyaya iyi muKwayedza, sabhuku wemusha uyu, VaChrispen Marenga (89), vakati vaiva vasvitsa nyaya iyi kumapurisa uye vaive vakamirira kutaurirwa zvekuita.

Mumwe wemumhuri iyi akaudza Kwayedza svondo rapera kuti makuva aya achiriko akashama ose.

VaFortune Marenga (47) vanoti makuva mashanu aya haasati afushirwa.

“Dambudziko iri sekunyorwa kwakaitwa neKwayedza ndizvozvo, makuva akacherwa nevanhu vatisingazive husiku ndokufumoonekwa nemadzimai aisungirira mbudzi kubani riri pedyo nemarinda ehama dzedu.

“Kusvika izvozvi haana kufushirwa nekuti tange takamirira mashoko achabva kwamambo,” vanodaro.

Vanoti vemhuri iyi vainge vakatarisirwa kuungana nemusi weChishanu chepazororo rePasika kuti vaone zvekuita nenyaya iyi.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×