A-LEVEL — MASIMBA: Mzamo anotaurira mudzimai kanyaya

“HONYE YEMUNHU” naBarbara Makhalisa (43-51)
Ndipo paanoti ainge achifunga nezveimwe nyaya yemumwe murume waaishanda naye uyo ainge akamuudza kuti akanga akaroorwa nemumwe mukadzi wekune imwe nyika akamutenga nemari kuti mukadzi wacho agove nekodzero yokugara muno muZimbabwe.

Mukadzi anoti haanzwisisi zvaari kutaura iye ndokurondedzera nyaya yose achisiirira zvishoma-shoma zvisina kukosha.

Mukadzi anoti murume uyu angadai akaenda kumapurisa iye ndokuti aibva angosungwaka, mukadzi ndokuti hazvina mhosva izvozvo, munhu anofira muchokwadi anoyemurwa.

Mai Sipane vanoona sokuti mukadzi uyu achakonzera kusagarisana mumba zvakanaka nekunetseka mupfungwa kana akasabuda pachena.

Murume anoti vanhu vakadaro ndidzo dzedzimwe honye muupenyu.

Mudzimai anoti zviri nani kuti murume uyu ataurire mapurisa pamwe angatodzivirira upenyu hwake murume ndokuti achatonomuyambira, vanhu ndokuzodya vakasununguka.

Murume anosara achidzungudza musoro achizvibvunza nezvemudzimai wake.

 

ONGORORO:

Nhambanwa yevatambi (gramatic irony) yatinoona ichishandiswa mukupera kwechitsauko ichi inotibatsira kuti tinzwisise musoro wekanyaya aka “Honye yemunhu”.

Muverengi naMzamo vari kunyatsa kuziva zvakatora nzvimbo asi mudzimai wake hapana nechaanomboziva.

Honye yemunhu, munhu ane tsika dzakaora nekuti akashandisa Mzamo kuti awane muchato asi akazomusvipa sebepa retishu rakashandiswa.

Iye Mzamo zvekare ihonye yemunhu maererano netsika dzake nemari. Itsika yakaora kuchata nemumwe mukadzi iye aine mudzimai nechekare. Ndosaka achizvibvunza sezvaanoita papeji 53 apo anoti, “Saka naiyewo ihonyeka?”.

Munyika yatiri kugara mazuva ano ihosha yapararira yekuti vanhu vatsvage muchato unovabatsira zvavanoda (marriage of convenience).

Vese vakadzi nevarume vari mumukumbu mumwe chete.

Mutsetse uri papeji 52 wokuti, “Aitaura achiona honye yemukadzi ichimunyenamira, “unobva wanyatsa kuti gedye kutsanangura zviri kurehwa nemusoro wenyaya.

Tinombotekenwa tsetswa dzedu apo tinonzwa nezvemudzimai waMzamo apo tinonzwa kuti, “Amai vaSipane neman’a avo anofamba achinyora nzira dzose dzekwaGodhlwayo . . .” (46) tozonzwazve kuti, “Sipanewo naBafana namadzihwa avo nemaranga . . .” (46) asi zvinodzoka zvosiririsa nekuti murume angadai here mhuri yake?

Tinoona kutamba nemazwi (punning) kunoitwa papeji 46. Tinonzwa Mzamo achiti, “Ini ndomupa bepa, iye ondipa mapepa”. “Bepa” riri kureva tsamba yemuchato, “mapepa” ari kureva mari yemapepa.

Zvidavado zvatinoona zvichishandiswa munyaya iyi ienzaniso nemadimikira. Papeji 43 tinobva tasangana neenzaniso iyo inotiratidza kuipa kwainge kwakaita nyama iyo Mzamo ainge apihwa nemudzimai wake.

Tinonzwa kuti nyama iyi yainge yave nehonye dzaidonha rumwe rumwe dzakakora “kunge muswe wehwai”.

Aitaurirwa nezvenyaya yekuita mari nyore nyore aitarisa mawoko ake “sekunge achatoiona mari yacho mumaoko” (44).

Shamwari yake Maqanda yaitaura nezvemari “yainge ine kamushonga kekukwezva senjuga” (45). Mzamo achitaurirwa nezvemari iyi akaita “semunhu ari kupepuka kubva mukurota hope dzinonetsa kutsanangura” (47).

Pakuchata mwenga anogamuchira tsambo achisekerera “semunhu ainge asimudzwa akanotsvetwa kudenga chaiko” (48).

Vapedza kuchata, apo Mzamo anoudzwa kuti anokurura hembe dzaainge akapfeka anonopfeka dzake, rufaro rwese rwakapera Mzamo akaita “semwana mudiki amanikidzwa kusvipa siwiti yaive mumuromo make apo yainge yonyanya kutapira” (48).

  • (Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×