MURAIRIDZI wepane chimwe chikoro chevana vakaremara mitezo kuGlen View 1, muHarare, anoti vana ava vane kodzero yekuwaniswa fundo sevamwe vose sezvo vaine zvipo zvakasiyana uye vanoda vanhu vane moyo murefu.
Kwayedza svondo rapera yakashanyira muzinda unochengetwa pamwe nekufundiswa vana vakaremara, weIshe Anesu Multi Purpose Centre for Disabled Children, kuGlen View 1, ndokuita hurukuro nemumwe mudzidzisi wepo pamwe nevamwe vevabereki.
Mai Linda Madhora (30), avo vanove murairidzi apa, vanoti vanovadzidzisa nenzira dzakasiyana kuti vakwanise kuita zvimwe chete sezvinoitwa nevane mitezo yakakwana.
“Pachikoro pano vana vakaremara vane mazera anobvira pamakore 12 kusvika 23 okuberekwa uye vanodzidza pachena. Hatibhadharisi nekuti tinoda kuti vabereki vaburitse vana mudzimba umo matiri kunzwa kuti mune nyaya zhinji dzekuvharirwa kwevana apo vabereki vanenge vachitya kusekwa kuti vakazvara vana vakaremara.
“Tinoita kuti vana vakaremara vagare vakasununguka uye tinovawanisa kudya kunovaka muviri apo vanodzidza pano kubva na9 mangwanani vachizoenda kudzimba kwavo kuma3 masikati,” vanodaro.
Vabvunzwa pamusoro pedzimwe nyaya dzinombobuda dzekushungurudzwa kwevana vakaremara kunzvimbo dzavanochengetwa, Mai Madhora vanoti zvakadai hazviitike pachikoro chavo.
“Hakuna mwana anorohwa kana kubatwa chibharo nekuti vabereki vanoperekedza vana kuchikoro uye ndivo vamwe vanobatsira paye pavanenge vachiitiswa mitambo inosimbisa muviri.
“Vamwe vevabereki vevana vakaremara tinavo pano, avo vanobatsira zvakare mukuwacha nekubikwa kwechikafu chevana,” vanodaro.
Vanoti matambudziko avari kusangana nawo sevarairidzi vanochengeta vana vakaremara kushaikwa kwechikafu chakakwana chevadzidzi, magirovhosi sezvo vazhinji vacho vasingakwanise kuzvibatsira kuchimbuzi uye kushomeka kwezvimbuzi nemanapukeni.
“Tiri kuwana rubatsiro kubva kuvanhu vari munharaunda nevamwe vatsigiri kuti musha uno urambe wakamira. Pari zvino tiri kuvakirwa chikamu chekufundisa vana mitambo inosimbisa muviri (rehabilitation block) nekambani yeMimosa pachena,” vakadaro.
Vanoti kufundisa vana vakaremara kunoda munhu ane moyo murefu nerudo.
“Vana ava vamwe vacho vanorasika njere (cerebral palspy), vamwe vanoyerera masiriri kana kungochema. Saka kana uri munhu asina rudo nevana, basa harikufambiri uye ivowo havakuri zvakanaka nekuti vanenge vachishaya dzidziso yakanaka.”
Vamwe vabereki vevana vakaremara vanoti vari kubatsirikana zvikuru nekuda kwechikoro ichi.
“Ini ndine mwana ane makore masere uyo akabarwa asingagone kufamba.
“Mushure memakore mana achidzidziswa kufamba nenyanzvi dzepano, nhasi uno ndiri kufara nekuti mwana wangu ave kuzvifambira oga.
“Aingoita zvekukambaira asi iye zvino ave mwana anotumika. Ndakaratidzwa muzinda uno nevekuchipatara cheHarare Central Hospital mushure mekunge vaona dambudziko raive pamwana wangu,” vanodaro Mai Sostina Njanji (36), avo vanove mubereki waEdwin Machona.
Vanoti matambudziko avari kusangana nawo semubereki ane mwana akaremara ndeekudhurirwa nemishonga sezvo mwana uyu aine chirwere chepfari.
“Mwana wangu anogona kungodonha otanga kugwinha-gwinha. Anofanira kunwa mapiritsi epfari zuva nezuva kureva kuti pasvondo anofanira kunwa mapititsi e$30. Kudhura kwemapiritsi aya kunoita kuti mwana uyu apedzisire ave kucharika kuanwa,” vanodaro.
Mai Mediate Munhenzva (42) vanoti mwanasikana wavo, Tsitsi Marume (25), akabatwa nechirwere chemeningitis apo akange aine makore maviri ekuberekwa.
“Haataure uye haanzwe asi ari kubatsirwa nevarairidzi vakafundira mutauro wemasaini. Ndinofara kuti ndakwanisa kuyarutsa mwana wangu kusvika ave nemakore 25 okuberekwa.
“Ndinoti kune vamwe vabereki vane vana vakaremara ngavarege kuvaviga mudzimba asi kuti ngavapinde mumapoka anobatsira vana ava kuti vakwanise kuwana dzidzo pamwe nekuyanana nevamwe vakaremara nekuti zvinonyevenutsa pfungwa dzavo,” vanodaro.
Munguva pfupi yadarika, musha uyu wakawaniswa rubatsiro rwekudya, manapukeni nezvimwe neHarare Polytechnic Christian Union.




