— Mutupo —MUFAKOSE – KUTAMBIRA HOMBARUME

Kaziwa Shava,

Mwana waShirichirima,

Ko, wabva nokupiko muboka?

Muri kutsvakeiko izvozvi?

Ko, manetaka izvozvi,

Tinotenda Shava,

Madotivigireiko musango mamunofamba umu?

Ko, madowaneiko, masango akafira mombe aya?

Inga wafa nenzara iwe.

Uya kuno mwana waShirichirima.

Ko, idzi mhandireka idzi,

Tidoputitsa pano apa.

Ko, nhapika dziri muno mudeveka idzi.

Madzoka kudzingiri hunguka.

Hoyo mukaka, mukobvuka uyo.

Baba Shava, chokambura.

Ho-o taguta zvino, uyaka pano Shava.

Dotipira muboka kwawanga wafamba.

Waona seiko, madomutsa mhuka here?

Taona Mhofu, Ko mbizi?

Mbizi taiona, Ko Nyati?

A, ndiyo Chikonamombe, taiona kwazvo,

Inopfura, inouraya, haiteverwe

Ko, mbada? ‘Mbada ndiko mabara nerugotsi,

Kanopa usveru kuvanhu kana uchivhima musango,

Ukasangana nembada, chenjera,

Inokupedzai, mukawana mbada temai kasanzu.

Inorwiswa nakasanzu ndokaunoidzivisa ikako,

Kuti uirove nedemo.

Nhaika Shirichirima, tinotenda Shava,

Matiudzaka mwana waNyamhangambiri.

  • A. C. Hodza (Department of African Languages)

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×