A-LEVEL — MASIMBA: Tambu mimba tugu. . . Gwisai ndokudashura mudzimai

“HONYE YEMUNHU” naBarbara Makhalisa (43-51)
Ongororo (Enderero mberi):

Ndipo Mzamo anoita semunhu amuka kubva mukurota hope dzinonakidza” (48). Mari yapera, Mzamo anofunga zvekuenda kune mudzimai uyu nekuti anofunga kuti akazviwanira mukadzi waachakama achinwa mukaka “semombe” (50).

Apo anoona mutyairi wemotokari svinu iyo mudzimai aivemo, anobva afunga avo vaitaura vachiti maererano nemutyairi uyu, uyo ainge angopinda mumunda waairima obva abatwa, airasirwa kure “semarara” (50). Kana kutoedzerwa ava kuchemwa.

Paanopinda mumba umu, anoona chimwe chevapupu vaya chisingamufariri, maziso akatsvuka “kunge munhu aputa mbanje” (51). Madyiro aiita mukadzi wacho magirepisi akaomeswa akasanganiswa nenzungu, anotsanangurwa achinzi aiita izvi achitsenga “semunhu ane nungo” (51).

Apo Mzamo anovhundutswa nezvaanoona mumba memukadzi uyu, anobudamo achimhanya chaizvo ndokusvika kumba kwake achifemera pamusoro “semunhu ainge adzingirirwa nezvidhoma” (52).

Paanofunga zvaakaona mumba umu, anopindwa nechando ropa ndokuita “seragwamba” (52). Munhu anoonekwa achidzungudza musoro “seaida kuzunza zvipuka kuti zvisiyane naye” (53).

Kudimikira kunoshandiswa kuti tizive nezvekuwanda kwemari. Tinonzwa Maqanda achidimikira achiti, “. . . iwe homwe dzako dzisingafemi nayo” (44). Paanofunga nezvemari iyi, anobva ava nepfungwa yekuti atenge mubhedha mutsva nekuti waainge ainawo wainge wasakara chaizvo kana kuti “wakange wave kutsviriridza dzimbo dzisingapere kana ukangogumwa” (49).

Achifunga rugare rwaachazowana kana ainge aiwana mari yacho, tinonzwa murume achiti, “Ndichatodya mukaka wakakora, kukwesha mukanwa noruomba chaiko” (50) imwe pfungwa ichipamhidzira ichiti, chimwe chinhu chaimupa kugadzikana chaive chekuti ainge “ave nemukana wokumora uchi hweshoroma iyi” (50).

Apo inopedza kugeza, shasha inozvitarisa ichisekerera nepfungwa yekuti yaive nemhanza huru chaiyo, iri mushishi “ichiridza kamuridzo kedhadha rairota kushambira pasina mvura” (51).

Mumwe wezvapupu waanoona mumba memudzimai uyu haamufariri sezvo “aive akasunga uso” (51) uyewo achimutarisa “neziso raipfuta moto” (51).

Tinoonawo kushandiswa kunoitwa siyaniso (contrast) pakati perufaro rwekubva mukuchata nekusuwa kukuru apo Mzamo anoudzwa kuti anobvisa mbatya dzaainge akapfeka paaichata opfeke dzake.

Maererano netsika nemaitiro evanhu, tinonzwa kuti “Maqanda anongonetsa nokuti haasi munhu anovimbika. Zvaanoita zvese zvine ukiribidi mukati. Zvinhu zvaanogara achindikumbira kuti ndimutengesere zvinenge zvapinda muno neutsotsi. Zvakare haabhadhare nikisi” (45).

Maererano naiye Mzamo wacho, tinonzwa zvichinzi, “VaMzamo vangu vakabva vafamba paushasha nokuti zvokuonererwa vaizvifarirawo” (49).

“HUNDI KWANDIRI” naPeldah Hove (55-64)

Nyaya yacho:

Mumba maGwisai nemudzimai wake Netsai mune nyaya yaTambu, mwanasikana wavo uyo ainge aitiswa pamuviri. Gwisai ari kupopota achipomera mukadzi wake mhosva yekusaudza Tambu gwara kusvika ave zvaari izvi.

Rume rinopaumba rikapopota rikazosvika pachinhanho chekunotora mboma kwava kurakasha mudzimai nayo kusvikira mukadzi azoti nyondo nemuromo mumaziropa ekurohwa kwaainge aitwa, munhu ndiye fatata akadaro.

Gwisai anenge anoita sekakutya, ndokubva akanda mboma iya mukamuri yekurara.

Agara pasofa, anoenderera mberi nekupopota achitsvinya, mukadzi wake ndokubva azobuda mumba kwava kuenda kusina anoziva uko anopedza svondo mbiri ariko.

  • (Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×