‘Ishungu kana kuti akamutswa’

NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti kazhinji kana mushakabvu akamuka chipoko mushure menguva pfupi avigwa, zvine chirevo chakaita sekutadzirwa.

Izvi zvinotevera nyaya yemumwe murume wekwaSeke uyo anonzi ari kumuka chipoko icho chakanopisa imba yaamai vake achangobva kuvigwa.

Murume ari kumuka chipoko uyu, Sternford Kumanda (21), anonzi akafa mushure mekunge anwa muchetura.

Sekuru Elisha Mutanga (60) vekumusha weUshewokunze, muHarare, vanoti hakuna munhu anofanirwa kumuka chipoko achangofa kunze kwekunge amutswa nemishonga.

“Inyaya iri pachena, kuti mufi ane shungu kana kuti akamutswa. Hatingataureka nyaya yekuti munhu ava nemasvondo mana avigwa kana kuti mwedzi miviri totaura kuti ava kumuka chipoko, hazvikwanisike,” vanodaro.

Sekuru Mutanga vanoti semataurirwo ari kuitwa nyaya yekuti akafa achiita zvekunwa muchetura uyewo nekuti amai vake vakazofamba, anogona kunge akanomutswa uye ave kudzokera hama dzake.

“Ukaona mufi achimuka chipoko pamba paaigara zvine zvazvinenge zvichireva. Ane shungu saka zvinoda kuti vanhu ava vadzokere kumaporofita kana kun’anga kwavakamboenda vonogadzirisa mhiko dzavo,” vakadaro.

Vakatsanangurawo zvakare nyaya yekuti sezvo mwana uyu ari mubvandiripo, dzimwe nguva vedzinza rake vakamumutsa kuti arwise.

“Kuchengeta ropa risiri rako pamusha kwakaipa nekuti hauzive chakaberekeswa vana ivavo, vanofuma vokupandukirai,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, VaFriday Chisanyu, vanotiwo chipoko ichi chine chirevo mumusha umu.

“Mwana ari kumuka chipoko uyu akangorerwa chete mumusha umu auya naamai vake?

‘‘Dzimwe nguva kunyange akazviuraya, ane kukanganisirwa uko akaitwa kana kushandiswa mumusha umu pasina kubhadharwa semuranda. Hazvifanirwe kudaro kuti munhu achangofa omuka chipoko,” vanodaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×