NEKUDA kwekupisa kwakanyanyisa kuri mudunhu reChiredzi, kuMasvingo, zvimwe zvikoro zveko zvava kuzvipira kuisa zvinoita kuti dzimba dzekudzidzira dzigarike.
Vana vepachimwe chezvikoro izvi, cheShingai Primary School, avo vange vanzwa nekubuda mututu, vamwe vachisvika pakufenda – nekuda kwekupisa kwakanyanyisa uku – vave kudzidza vakasununguka mushure mekuisirwa mafeni ekuti mavanofundira mufefetere.
Kwayedza payakashanyira chikoro ichi svondo rapera, yakaratidzwa mafeni akaiswa muzvikoro ayo ari kubatsira vana nevadzidzisi kuti varerukirwe padambudziko rekupisa kwekunze kwakanyanya.
VaJonathan Muusha (50), avo vanova mubati wehomwe mukomiti inomirira vabereki yeSchool Development Committee pachikoro ichi vari zvakare nhengo yeChild Protection Committee muChiredzi, vanoti vakaona zvakaosha kuti vadzidzi vawaniswe mhepo inofefetera nekuda kwekunyanya kupisa kuri kuita nzvimbo iyi.
“Vana vane chitsama, kunyanya veEarly Childhood Development, vange vave kungofenda vari muchikoro nekuti kuno kunopisa zvedi. Pane imwe nguva apo temperature (kudziya kwekunze) yakasvika 47 degrees celcius zvekuti shiri dzakaita sehanga dzaidonha dzega mudenga uye mhepo yaiomesa mukanwa nemumhuno vana vachibuda mututu.
“Vana vazhinji vakange vasisauye kuchikoro, ndipo patakafunga zvekutenga mafeni nekuti takaona kuti dzidzo yave kudzokera kumashure. Takaisa zvakare matiles mukati nekuti anobatsira kuti mutonhorere,” vanodaro VaMuusha.
Vanoti pachikoro ichi pakavakwazve makamuri matsva ayo achashandiswa muzvidzidzo zvemakombiyuta.
“Computer Lab ichashandiswa kubvira pachikamu cheECD kusvika kuGrade 7. Vabereki vari kuunza vana vavo pano vachibva kuzvikoro zviri kure nekuda kwekuti tine zvivakwa zvemhando yepamusoro, zvose nedzidzo yacho.
“Hurumende inofanira kutsigira zvikoro nemari kuti zvibudirire. Gore rapera, vadzidzi veGrade 7 vepano vakapasa zvikuru nechikamu che73 kusvika 85% zvichikonzerwa nekuti tinosusukidza budiriro yechikoro, kusanganisira vadzidzisi vacho. Tinovatengera kudya kwemagwanani kuitira kuti vasaende kunotsvaga zvekudya kure nebasa ravo.”
Vanotiwo zvakakosha kuti kanzuru yemunzvimbo iyi iwanise varairidzi dzimba dzekugara nemari yakaderera pachinzvimbo chekuti vaende kunoroja kure kunova kwakareruka asi zvichiita kuti vanonoke kubasa.
VaMuusha vanokurudzira vanhu venzvimbo iyi kuti vagare mumimvuri uye vanwe mvura yakawanda munguva ino yekupisa.
“Pachikoro pano mvura haiperi nekuti takaisa matengi izvo zvinoita kuti vana nevarairidzi vanwe mvura yakachena. Dambudziko riripo ndere vamwe vana avo vari kufamba nzendo refu nekuda kwekuti munzvimbo dzavanogara hamuna zvikoro zviri pedyo,” vanodaro.




