CHITSAUKO 17 (Ongororo)
Munyori anoshandisa dzokorodzo seyeuchidzo yezvakamboitika kare (allusion). Papeji 78 muverengi anoyeuchidzwa nezverungano rwemuBhaibheri rwemwana muparadzi akakumbira baba vake kuti vamupe pfuma yake iyo akanoparadza kune imwe nyika iri kure achiti ari kudya nyika rutivi. Upfumi huya hwazopera, shamwariwo dzikatsakatika achifudza nguruve, ndipo apo akafunga kumusha kwababa vake.
Ndipo paakafunga zvekuenda kumusha kwababa vake, mazwi aya ari mundima achikoponorwa kubva mune zviri muBhaibheri: “Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu. Ndichandoti kwavari, ‘Baba ndakatadzira kudenga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, asi mundiite henyu mumwe wevaranda venyu’” (79).
Yeuchidzo yezvakamboitika kare iyi tinoiona ichidzokororwa zvakare papeji 81.
Kushushikana kwaRudo mupfungwa kunoburitswa apo anotsinzinya, nyika yoita seyaiita mhidigari papeji 80. Zvinotevera zvinoratidza kusagadzikana zvakanaka kwepfungwa dzake.
Paanopepuka ndipo paanofunga zvaiitika kare zvainakidza (being nostalgic) izvo zvinobva zvavedzera kutambudzika uku. Kusagadzikana kwezvinhu uku kunove munongedzero (symbolic of the turmoil in her mind) yekushushikana kukuru kuri mupfungwa dzake.
Enzaniso dzinobatsira mukutsanangudza maitikiro ezvinhu. Kushanduka kwainge kwaita mamiriro ekunze kunoburitswa nemutoo uyu. Musi uyu kunze kwainge kwakaterama zuva richinyatsoita kamushana “sokomuchando chaiko” (78). Mafambiro aiita chitima chakange chakatakura Rudo kuenda kumba anotsanangudzwawo. Chitima ichi chaifamba chichinge “chiri kuteverera rwizi” (78).
Apo Rudo anenge achifunga zvakaitirwa amai vake nezvaakanga akaitirwawo, mwana wemunhu akaonekwa zvomutenderedza musoro “sokunge akange amwa doro” (79).
Paanenge akarara pamubhedha anorota achichata nemombe, madhongi, imbwa, katsi nembudzi, jongwe richipururudza. Ndipo apo anopinda mune “rainge bako kana gomba rakakura chaizvo, mukati muchingova rima chete” (79).
Apo anotsinzinya maziso ake nyika yainge yoita “seyaita mhidigari” (82) vanhu vaakaona vacho vachidanana “sevana vomunhu mumwe chete” (80). Kudimikira kushoma chaizvo.
Kwekutanga kunotiratidza kuminyama kwakanga kwaita zvinhu munyika apo zvinonzi, “zvaiita manyama amire nerongo” (80) kwepiri kwacho kuchiratidza kubatwa mumwoyo kwainge kwaitwa. Rudo apo akafunga nezvekuita kwevanhu apo zvinonzi, “akabayiwa mwoyo” (80).
CHITSAUKO 18 (Nyaya yacho)
Rudo paanosvika kumusha chete, anove nepfungwa yekuti kana angoona kuti aipa bedzi (ava nenhumbu), anobva aita kuti zvinhu izvi zvizivikanwe.
Panopera mwedzi anobva aona kuti zvechokwadi adarika mwedzi asi hapana waanotaurira.
Mumwe musi anoita chivindi chekuti kuna Rebina amuudze asi anonzanzatura kwava kurega kumutaurira. Mazuva mazhinji anotevera anodaidza Rebina zvakare asi anongoti nyaya pfuudzei kubva payakanga yava asingamuudzi achiti nechemumwoyo make kana mangwana chaiye auya ndichamutaurira asi anokonewa kuzviita dzamara mwedzi wepiri wadarika pasina chaati bufu.
Muviriwo nechekuno kuno ndipo paunotanga kukura.
Mufundisi Lovedale vakafunga kuti pada abvumiwa nezvokudya zvapamusha asi chinovashamisa ndechekuti pakudya apa, Rudo aingoita zvekuti nyobvo nyobvo. Muviri uchikura kudai, Rudo ndipo apo anotanga kupengera Rebina.
Mwedzi wetatu unopera pasina Rudo chaataura mwana ndokuonekwa ava kuti zibhachi kwindi kupfeka, Rebina kwava kunoudza Mufundisi Lovedale zvaave kufungidzira. Mumwe musi akapfeka zibhachi kuchipisa Mufundisi Lovedale vanomubvunza.
(Enderero mberi svondo rinotevera)



