Mushandi akabhinya mwana

MUMWE murume uyo aive mushandi wepamba peimwe mhuri akatongerwa kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe nedare mushure mekubatwa nemhosva yekubhinya kasikana kane makore 11 ekuberekwa kepamba apa.

Murume wemakore 23 ekuzvarwa uyu, uyo watisingabuditse zita kuitira kuchengetedza kodzero dzemwana wekubhinywa, akamiswa pamberi pemutongi Estere Chivasa wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

Akapihwa chirango ichi, zvisinei kuti airamba mhosva iyi nekuda kweumboo hwakabuda mudare. Mutongi Chivasa akamupa chirango chekugara mujeri kwemakore 12 mushure ndokuzomubvisira makore matatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yakafanana neiyi mukati memakore mashanu.

Achipa chirango ichi, mutongi Chivasa akaona kuti murume uyu aive wechidiki uye zvakare kari kekutanga kake kupara mhosva yerudzi urwu.

Dare rakaona zvakare kuti zvisinei nekuti mwana uyu akange abvuma kuita zvebonde nemurume uyu, iye pachake achiri mudiki nekudaro haana njere dzakadzama dzekubvuma kana kuramba zvinhu zvaanenge achiitirwa.

Muchuchisi Lovet Muringwa akati murume uyu akatyora chivimbo chemunhu waaishandira sezvo aitarisirwa kutora mwana uyu sehanzvanzi kwete kumuita mudzimai.

Muchuchisi Muringwa akazivisa dare kuti nomusi wa17 Chivabvu gore rino munguva dzemasikati, tete vemumhan’ari vakaenda kuGlen View apo baba vake vakashanyira mumwe muvakidzani.

Mwana uyu akasara achiona terevhizheni aine vamwe vake vaviri vanoti ane makore maviri neane matatu ekuberekwa apo murume uyu aive akarara mune imwe kamuri yemba.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×