Tete nemuroora zvaburana

Mathew Masinge
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati hanzvadzi yake yakaenda kumba kwavatezvara vake ndokunovapa gupuro ichiti mhuri yavo haichada mukadzi wake izvo zvaakanga asina ruzivo nazvo.

Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Mirriam Nyagupo akamhan’arira hazvadzi yake, Tinashe Nyagupo, nemudzimai wake, uyo akangozivikanwa saNyarai mudare, achiti vari kumuonesa pfumvu.

“Changamire, ini handingagarisane nemuroora anondituka. Ini ndiri mukadzi mukuru atoriwo nevana vake uyezve pamba pacho paari kugara pamba pababa vangu. Muroora iyeyu anoda kutonga mari yehanzvadzi yangu zvisingaite zvekutoti hatichawane kana sendi sezvataiita makore.

“Tinashe uyu takamutamburira kuenda kwake kuchikoro iye zvino kamukadzi kake kotiudza kuti mari yava kushanda zvimwe zvake. Ndiri kutokumbira dare rindirwirewo kubva kwavari nokuti vanondikutsanirana vachindituka. Ndave kutotadza kugara zvakanaka pamba pababa vangu,” akadaro Mirriam.

Pakabvunzwa Tinashe nedare pamusoro pezvaitaurwa naMirriam, akati hanzvadzi yake ndiyo inokonzeresa mhirizhonga pamba.

“Ini handichatonzwisisa kuti hanzvadzi yangu yapindwa neyi, anotoda mari yangu yose yandinohora. Anoda kuti isvikire mumawoko ake asi ini ndiine mudzimai.

“Haadi mudzimai wangu zvekuti akasvika pakuenda kunondirambira munhu wandakaroora ndega kunana tezvara vangu.

“Akaenda kumba kwatezvara vangu akanosiya akanda gupuro pasi achiti mhuri yedu haichada mukadzi wangu zvisina ruzivo rwangu,” akadaro Tinashe.

Nyarai akaudzawo dare kuti ndiye aitooneswa chitsvuku naMirriam.

“Ini ndiri kutoshamisika kuti sei ndashevedzwa kudare rino nokuti ndakatoguma ndatuta twangu kubva pamba apa ndazvitadza zvatete ivava. Handina kana musi wandakambopindura mashoko avo asi ivo ndivo vanondiudza makobvu nematete. Mumwe musi vakandiudza kuti haufe wakaita mwana pano iniwo nekutya ndikadzokera kumba kwedu,” akadaro Nyarai.

Mutongi Barbra Mateko akapa Mirriam gwaro redziviriro akati vatatu ava vagarisane murunyararo.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×