GAKAVA riripo parizvino pamusoro pegwaro riri pakati pekuzeyewa kuti rizove mutemo unoona nezvewanano reMarriages Bill raita kuti nyaya yekodzero yemidziyo panguva iyo vanhu vanenge vari muwanano ipinde mudariro zvakare.
Iyi inyaya yakarerekera kuwanano zvikuru.
Nyaya dzemidziyo dzakakosha muwanano ipi neipi zvayo.
MuZimbabwe, mutemo unoona nezvewanano ndeweMarried Persons Property Act (Chapter 5:12). Pasi pemutemo uyu, wanano dzose dzakaitwa kubva musi wa1 Ndira mugore ra1929, midziyo yewanano mwene wayo ndouyo ane zita rinenge rakanyoreswa midziyo iyo inonzi pachirungu “out of community of property”.
Nerimwewo divi, vanhu vari muwanano vanokwanisa vose kuve vene vemudziyo iyo inozivikanwa nekuti “community of property” asi inofanirwa kunyoreswa nemagweta kuhofisi yeDeeds Registries Office.
Murume nemukadzi vakawanana musi wa1 Ndira 1929 usati wasvika, vakasununguka kunyoresa midziyo yavo pasi pe”community of property”.
Zvakakosha kunzwisisa kuti pasi pe”out of community property” midziyo yakatengwa muridzi wayo ndouyo ane zita rinenge rakanyoreswa midziyo iyi kusanganisira neinozotengwa mukadzi nemurume vave muwanano zvakare.
Kazhinji murume nemukadzi vanenge vari muwanano vanofunga kuti midziyo yavanotenga ndeyavo vose. Asi izvi handizvo sezvo uyo ane zita rinenge rakanyoreswa mudziyo aine kodzero yekuutengesa pasina kuwirirana nemudikani wake.
Pane dzimwe kodzero zvakare dzinowanikwa pasi pemutemo weDomestic Violence Act neMaintenance Act asi idzi hadzikunde kodzero dzemunhu ane mudziyo unenge wakanyoreswa muzita rake.
Pane dzimwe nyaya dzakadai dzinoenda kumatare asi hazvibatsire sezvo mutemo usingatsojekesa nyaya iyi.
Kana iri imba, uyo ane zita rinenge rakanyoreswa imba iyi anogona kuitengesa achiri muwanano. Mudikani wake anokwanisa kumisa kutengeswa kweimba iyi kana achinge aziva kuti iri kuda kutengeswa achirwira kodzero dzake.
Chikamu cheSection 56 chebumbiro remutemo wenyika chinoti panofanirwa kuenzaniswa kodzero uye hapafanire kuve nerusarura pakati pevanhurume nevanhukadzi.
Section 26 yemutemo uyu inoti Hurumende ine basa pakuenzaniswa kwekodzero kune vanenge vari muwanano neapo painozoparadzwa.
Panofanirwa kuve nesungawirirano pakati pemutemo weMarried Persons Property Act nebumbiro remutemo wenyika.
Zvakakosha nekudaro kuti apo gakava pamusoro peMarriages Bill riri kuenderera mberi, nyaya yekodzero yemudziyo inofanirwa kuongororwawo zvakare.
Zvakakoshawo kuve nemutemo unocherechedza nekuchengetedza wanano.
Panguva imwechete, kodzero yemudziyo inofanirwa kuchengetedzwawo.
Sezviri mumumbiro remutemo wenyika, mutemo unofanirwa kuchengetedza kodzero dzemudziyo panguva yewanano neapo wanano inoparadzwa nekurambana kana nerufu.
*Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kufona pa+263242 708491 kana +2630242 706676.




