Afm chii chiri kumbonyatsoitika?

KANA kurwisana kwasvika muchechi, veWWF ana John Cena vozoita sei? Ichokwadi kuti sipo ine basa rekuchenesa zvinhu, asi chinoshamisa ndechekuti pacho panogara sipo panowanikwa paine tsvina. Zvinombofamba sei?

Vakuru veAFM vave kuita matare, kupomerana, kurwisana, kutukana nezvimwe zvinhu zvinopesana naJesu. Asi pavari kurwisana nekutukirana mari, vanhu vari kufa vasina kuziva Jesu vakawanda. Chechi yave kupedzera simba kumuganhu, munda uchirarira. Saka kana chechi ichidai, vanhu vachanamata Mwari here?

Uyu mubvunzo wakaoma uye unorwadza. Mubvunzo unorovesa nehana, kana uchiine hana.

Sevana vaMwari, sevamiriri vaKristu vanhu vanotiona sei? Ko ivo Ishe Jesu vari kufara nesu here? Ko rudo rwavakatiitira nenyasha dzavo nesimba rekumuka kwavo zviri matiri here? Panzvimbo yesimba rekumuka kwavo hatisi kumukira Kristu nesimba ratave naro here muchechi nemunyika?

Ko kana shoko richiti tiri vadyi venhaka pamwe chete naKristu, ko madhaka ekumukirana nekusvibisana nekuvhara chechi kuti vanhu vasanamate ari kubva kupi? Chechi dzamakaitwa vatungamiri vadzo idzi ndedzaniko? Jesu haasi iye here akati “Ndichavaka kereke yangu?”

Ko vamwe vanga vakati gore rino richitanga ndiri kuda kutanga patsva nekunamata nevamwe muAFM vachaita sei? Tiri kuvaparidzira kuti chii? Chiiko chaicho chiri kumbonyatsoitika?

Imari here? Zvinzvimbo here? Ko rudo rwaJesu rwakaenda kupi rwaimbova pakati penyu? Ko ndiani ave kuunza nyika mumba maMwari? Ko Mweya Mutsvene takamunyararidza riinhi zvekusvika pakumurova muromo kuti asataure?

Mwoyo waJesu mautsokodzera mukaukorobhesa tsvina yenyu. Satani ngaabve muchechi. Hondo dzamave kurwa hadzidi mumba maMwari, asi kure, kure nevana nevanhu.

Kurwa kwenyu imharidzo iri kufadza Satani. Kupesana kwenyu kuri kushaisa chechi simba nechinangwa. Kuri kutadzisa chechi kusvika painofanirwa kusvika. Ndati vamwe vachazoda kunamata Jehovha Mwari mupenyu akasika denga nenyika nekuda kwenyu here? Imharidzo rudziiko yamuri kuparidza nehunhu hwenyu? Mungapedze nguva muchichemera zvihuta here hama dzangu?

Ndinokumbira kuti mutendeuke. Muzive kuti zvibayiro zvaMwari mwoyo wakaputsika. Ndinokumbira kuti mudzokere pachipositori chakare. Mudzokere panyasha, pakutendeka, pachokwadi, pasimba, pakuda Mwari nemwoyo wese.

Mutsvagiro nemudiro wamave kuita mari nezvinzvimbo nesimba wave kukunda kutendeutsa vanhu nekuvabatsira kuti vakure pakuziva Kristu. Mari, mari, mari.

Mari yaisa pressure pahukama nyangwe hwevana vesangano. Vafundisi vave kudawo vane mari vachisema vasina nekuti asina mari haakubatsire kubata target.

Asika murombo ndiyo target yaJesu. Muri kushandira ani chaizvo? Fungai zvakanaka muzive kuti panguva yamuri kurwa nekukiya machechi, Jesu ari kuti, “Tarira ndimire pamukova ndichigogodza . . .”

Muchamunzwa here? Muchamuvhurira misuwo yechechi yamakiya muchiti kudii?

AFM musazvidze zvidzidziso zvezwi raMwari. Musave vadzivisi vechiyedza kuti mweya yevanhu isaone painofamba napo. Hondo dzenyu dzave kutyisa nyangwe Mwari kudenga. Tichakundwa naSatani nekuti muri kurwa muri kudivi risiri iro.

Mwari vanozadzisa chirevo sei chekuti ose marudzi awane ruponeso? Ndati vamwe vachauya vachibvunza kuti tingapone here? Muchavati kudii imi muchirwa? “Hongu tinoda kuti muponeswe, nesu tinodaro.”

Kurarama kwedu ngaive mharidzo. Saka ndabvunza kuti vamwe vachada here kunamata Jehovha Mwari mupenyu kana muchidyanana sechingwa? Chenjerai kupedzana!

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *