DARE raMambo Makoni vekuManicaland rakapfuudzira mberi zvakare nyaya yemutumbi wemwana wemhuri inoshanda papurazi riri kuHeadlands, uyo waigariswa pasi pemubhedha uri mupepabhegi mushure mekunge vaufukunuriswa nemuridzi wepurazi achiti pavakaviga chitunha hapakodzere sezvo ari mafuro emombe dzake.
Nyaya iyi yaifanira kupinda mudare raMambo Makoni, VaSimbai Gogen Gwasira (51), neChishanu svondo rapera mushure mekunge yambopfuudzirwa mberi vhiki rapera pashure.
Muridzi wepurazi iri ndiMai Simbarashe Sipiwe Chimonyo uye vabereki vemwana ane mutumbi uyu ndiVaPeter Chakawora (30) nemudzimai wavo Mai Janet Chizunza (30).
Ishe Nyambiya, Mai Mary Nyambiwa (63), avo purazi rakafukunurwa mutumbi uyu riri pasi pavo uye vaive mudare iri svondo rapera, vanoti nyaya iyi haina kuzotanga kutongwa sekurongwa kwazvaive zvaitwa.
Vanoti Mai Chimonyo vakatumira tsamba yakabva kwachiremba yaiti vakange vasingakwanise kuuya kudare iri nekuda kwekusanzwa zvakanaka.
Vanoti Mambo Makoni vakapa Mai Chimonyo nguva inokwana masvondo matatu apo vanofanirwa kuenda kudare uye kukundikana kwavo raizopa mutongo ivo vasipo.
“Hongu, vari kurwara Mai Chimonyo asi chivanhu chinofanirwa kuitwa nekuda kwenyaya yakaitwa iyi. Imhosva huru tinoda kuti vazvipindurire,” vanodaro Ishe Nyambiya.
Dare iri rakatadza kufambira mberi zvakare svondo rapera pamberi apo Mai Chimonyo vakatumira maneja wavo, Grant Hoffmayor, mushure mekunge ivo vafamba rwendo kuTanzania.
Mutumbi wemwana uyu wakazovigwa kechipiri kune rimwe purazi reCallman kana kuti Badley riri kwaRusape.
Hoffmayor ndiye akazvipira kutenga bhokisi rekuvigisa marangwanda emwana uyu, zvekudya nefuko uye kuita zvimwe zvaidiwa.




