Akavigwa Nembwa Mhenyu . . . Vakabata mapfumo . . . Uku vasina kupfeka

Bongani Ndlovu ari kuTSHOLOTSHO
MUNYAYA inovhundutsa nekushamisa zvikuru, imwe mhuri yekuTsholotsho yakaita zvinogara zvakadaro nguva pfupi yadarika apo vakaviga hama yavo pamwechete nembwa mhenyu — muguva rimwechete — apo vamwe vemhuri iyi vainge vasina kunyatsopfeka uye vakapakata mapfumo vachiteketera kuti mufi amuke.

Mhuri yekwaNdlovu iyo inogara munharaunda yeMlotheni, kwaMambo Gampu, iri kunzi yakaviga Mbongeni Ndlovu muguva rimwechetero nembwa yavo mhenyu.

Mambo Gampu, VaAshel Sithole, vari kutsinhira nyaya iyi vachiti vakatogadza munhu wose aive parufu urwu dare, kusanganisira masabhuku, nekuda kwechipini chavakaita ichi.

Mambo ava vanoti vakaripisa vose vemunharaunda yavo vaive parufu urwu ma$50 pamhuri, $100 kumasabhuku mumwe nemumwe wavo aivepo uye mombe mbiri kumhuri yekufirwa yekwaNdlovu.

Mambo vanotizve imwe yemari yavakaripisa vanhu ava ichashandiswa kuvaka dare ravo nekuchenura nharaunda yakasvibiswa.

Asi hapana matanho akatorwa pachivanhu kuti mutumbi waMbongeni newembwa — izvo zvakavigwa pamwechete — zvipatsanurwe.

Mbongeni anonzi akafa mutsaona yemotokari kuSouth Africa nguva pfupi yadarika, mutumbi wake ndokuzounzwa kuzovigwa muZimbabwe.

Vanin’ina vaMbongeni vanoti Bheki naEdmore Ndlovu ndivo vanonzi vakauya nemutumbi wake kubva kuSouth Africa.

Pazuva rekuvigwa kwaMbongeni, vakoma vake ava vanonzi vainge vakapfeka tukabudura (boxer shorts) bedzi asi kumusoro vasina kupfeka, mumawoko vakapakata mapfumo.

Varume ava vanonzi vakazotora imbwa iyo vakaviga iri mhenyu pamwechete nemutumbi waMbongeni apo vainge vachiteketera.

Mukuita izvi, vanonzi vaipira kumidzimu yavo vachitaura kuti, “Muka uzvirwire, usafa sebenzi rinofa segwai rakangonyarara.”

Amai vaMbongeni — Mai Kholina Nkomo — vanotsinhira nyaya yekuti vakaviga mwana wavo muguva rimwechete nembwa mhenyu.

Mhuri yekwaNdlovu

“Ichokwadi kuti takaviga Mbongeni nembwa uyezve vanin’ina vake vaviri Edmore naBheki vainge vakabata mapfumo nekuti taida kuti mufi amuke, azodzosere kune avo vakamuuraya.

“Pachivanhu chedu, hakuna chinoshamisa pane zvatakaita nekuti izvi tagara tinozviita masikati machena uyezve vanhu vanofanirwa kuzviona,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoenderera mberi: “Takaenda kwaSabhuku Vincent Dube kunokumbira kuti tiite izvi. Mushure mekunge Bheki naEdmore vaona sabhuku, vakamuudza zvavaida kuita kuitira kuchengetedza mhuri yedu.”

VaLameck Ndlovu avo vanova mupurisa anoshandira munharaunda iyi (neighbourhood) uye vaivepowo parufu urwu vanoti havasati vamboona mashura akadaro.

“Ndaivepo zvichiitika zvose izvi. Mhuri yacho yakanga isingatombonyara kana. Vakabata imbwa vakaipa mishonga vachiiudza kuti mufi amuke, azotsiva kune avo vakamuuraya.

“Vakati vachipedza izvi, vakabva vafushira imbwa iyi iri mhenyu pamwechete nechitunha. Pavaitaura, vaibaya-baya guva nepfumo,” vanodaro VaLameck Ndlovu.

Mumwe mugari wekunzvimbo iyi, Maria Ncube, anoti akashaya neremuromo nekuda kwechiitiko ichi.

“Bheki naEdmore vanga vave nemakore vasina kudzoka kumusha kubva ‘kuJoni’. Vakazodzoka nechitunha chemukoma wavo.

“Tave kunoviga chitunha, vakabva vapinda mumba ndokunobvisa hembe vachibva vadzoka vapfeka tukabudura bedzi uye vakabata mapfumo, apa vachidhonza imbwa.

“Chitunha chakati chave kudzikiswa, takashamisika vave kukanda imbwa iya iri mhenyu muguva. Imbwa iyi yaizama kubuda asi vachiidzosera mukati ndokubva vatanga kufushira nevhu apa vachiiudza kuti ngaimuke izvirwire,” anodaro Ncube.

Mambo Gampu vanoti zvakaitwa nemhuri iyi chipini chaicho.

Mambo Gampu

“Kubvira pandakaberekwa, handisati ndambozvinzwa kana kuzviona kuti munhu anovigwa nembwa mhenyu, vanhu vasina kunyatsopfeka kana kuti vakashama uye vakabata mapfumo sezvakaitwa nevekwaNdlovu. Ndakambogara pasi nevakuru venharaunda, naivowo vanoti havasati vamboona tsika yakadai.

“Mushure mekutaura nababa vemushakabvu, VaNdaniso Ndlovu, vakati vana vavo ndivo vakauya nembwa iyi nepfungwa yekuti vaite chishamiso chakadai. VaNdlovu vanoti vana vavo vakavaudza kuti kana vakavarambidza kuita zvavaida, zvinoreva kuti pane zvavanoziva nekufa kwaMbongeni,” vanodaro mambo.

Vanoti pakupa mutongo wavo vakati mhuri yoga-yoga yekuMlotheni yaive parufu urwu inofanirwa kuripa $50, masabhuku ndokuripiswa $100 pamumwe nemumwe wavo kozoti mhuri yekwaNdlovu yoripa nemombe mbiri sezvo vose vaine chekuita nechipini ichi.

“Mari ichabviswa yekuripa tichaishandisa kugadzirisa dare redu pamwe chete nekuchenesa nharaunda yedu iyo yakasvibiswa nezvakaitwa izvi,” vanodaro Mambo Gampu.

Sekuru Mhabhinyane Ngwenya – avo vanova nyanzvi yetsika nemagariro echivanhu – vanoti zvakaitika kuTsholotsho zvine huroyi mukati.

“Uhu huroyi hutsva chaihwo, nekuti hatisati tambozvinzwa muchivanhu chedu semaNdebele. Ndichataura naMambo Gampu kuti vanhu vakadai havafanirwe kugara munharaunda nekuti vane dzidziso yakaipa pakati pevanhu,” vanodaro Sekuru Mhabhinyane.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×