Akadhudhudzira wemakonzo arambwa

Tatenda Shuro

MUKOMANA wemuHarare akadhonzera aimbove musikana wake kudare reHarare Civil Court achiti ari kuramba kurambwa uye akatombosvika pakunwa muchetura achida kuzviuraya.

Brian Tsere akamhan’arira Jane Sakanda kudare iri achida gwaro redziviriro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Tsere gwaro redziviriro.

Tsere anoti haachada nezvaSakanda asi musikana uyu ari kumumanikidza kuti varambe vachidanana.

“Mambo wangu, uyu aimbove musikana wangu asi takasiyana nomusi wa4 Gunyana gore rino.

Chandafambira kuno ndinoda dare rindibatsire mundipewo gwaro iro rinondidzivirira kwaari. Musikana uyu ari kuramba kurambwa,” anodaro.

Tsere anoti Sakanda akauya kumba kwaari kugara ndokunwa mushonga achiti hazviite kuti varambane.

“Akauya kumba kwandinogara achiti handisi kuda kubva pano zvekutozosvika pakunwa mushonga uye akandityisidzira nekundimanikidza kuti ndimurapise.

“Ndave kutoshaya rugare ini mambo.

Hama dzake dzakange dzave kundityisidzirawo kuti ndikasamurapisa akasapora vaizotevera kwose kwandinoenda, kusanganisira kwandinopindira svondo,” anodaro Tsere.

Sakanda haana kuuya kudare kuti azopewo divi rake panyaya iyi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *