Muchaneta Chimuka
MABASA echipfambi anonzi abhebha mumusha weHopley, muHarare, zvichikonzerwa nezvakawanda kusanganisira hurombo.
Tsika dzinoshoreka idzi dzinonzi dzadzika midzi mumazera akasiyana evanhurume nevanhukadzi zvose.
Izvi zvakabuda pagungano rakaitwa nguva pfupi yadarika nesangano reZimbabwe Community Health Intervention Research (ZICHIRE) apo paifundiswa madzimai, vanasikana, nevanhurume vemuHopley nzira dzekurwisa mhirizhonga mukurarama.
Sangano iri rakaita musangano uyu mushure mekuona kuwanda kwenyaya dzakaita semabasa ekutengesa muviri nekutorwa kwezvinodhaka nevamwe vagari vemumusha uyu.
Vachitaura pagungano iri, Mai Spiwe Mpofu vekuZone 6, kuHopley, vanoti vanasikana vakawanda vari kusiira chikoro panzira vachizopedzisira vopinda mumabhawa kunotengesa miviri.
“Nyaya dzeHIV, syphilis nezvimwe zvirwere zvepabonde hadzisi kuderera muHopley nekuti chipfambi chawanda.
Kuba nenyaya dzekubviswa kwemimba dzawandawo uye pwere dzave kunotora mishonga yekudzivirira kubata pamuviri kumakiriniki,” vanodaro.
Mashoko avo anotsinhirwa naChiedza Biringara achiti nyaya dzekuroodzwa kwevana nechipfambi dzadzika midzi munzvimbo yavanogara iyi.
“Kana kuti inzara here iri kutuma kuti vanhu vapinde mumabasa ekutengesa muviri handizive? Kufirwa nemurume chaiko iwe usina rimwe basa raunoita kunoita kuti upedzisire wava kuita chipfambi,” vanodaro.
Mai Maidei Maunga (45), avo vanopinda chechi yeJohanne Masowe weChishanu, vanotiwo mhirizhonga iri kuwanikwawo nemumachechi apo vamwe vanamadzibaba vanobata chibharo vanhukadzi vavanenge vachinyebera kubatsira kana kuda kuvaroora nenzira yekumanikidza vachihwanda nekuti ndizvo zvinenge zvataurwa nemweya.
“Kuroodzwa kwevana kuri kuitika mune mamwe machechi apo mwana anogona kurwara, vabereki vake voenda naye kumuporofita.
Saka muporofita anogona kuti mweya wati mwana arapwe achigara pano saka mukupedzisira madzibaba anoguma ochiva mwana omubata chibharo.
“Mamwe machechi ane maporofita ane katsika kekuti, ‘Ndarota ndaroora mwana nhingi’.
Saka vabereki nekutya, vanotadza kupokana nemweya, mwana otopedzisira ogara nemurume ane vakadzi vanosvika kana gumi zvinova zvinokonzera kupararira kweutachiona hweHIV uye kurwisana mudzimba, nzara neurombo,” vanodaro Mai Maunga.
Kuchiti VaStanford Mupesa (50) vekuHopely kwekare vanoti varumewo vari kusangana nemhirizhonga yekurohwa nemadzimai avo asi vokuvarira mukunyarara kana kutopondwa nekuda kwetsika nemagariro zvinoita kuti varume vaonekwe sevanhu vane hushingi.
Zvekare, masangano mazhinji akatekeshera munyika muno anosusukidza kurwira kodzero dzemadzimai kupinda dzevarume avo vanongova nesangano rimwe chete, rePadare/Ekhudheni.
“Matare edzimhosva zvekare anorerekera kumadzimai kunyanya sezvo vachitorwa sevanhu vasina simba. Somuenzaniso, kana ndikataura mudare kuti ndiri kunetsana nemudzimai nenhau yebonde, ndinotosungwa zvekare nemutemo wechibharo chemuwanano. Mitemo yese iyi inodzvanyirira varume zvichitishaisa simba muraramo yedu.
“Mamwe madzimai anotodenha murume kuti ndirove kana ukasandirova uri mbwa asi kungomuti kambama, otonanga kumapurisa iwewe murume wovharirwa,” vanodaro.
Mai Susan Makaza (46) vanoti dzimwe dzimba dzavanogara muHopely dzinobatsira mukuparwa kwemhosva dzemhirizhonga.
“Twudzimba twemuno tudiki kwazvo asi mhuri dzakakurisa, saka vabereki vanokamura dzimba dzavo nemaketeni kuti vana vawane pekurara.
Baba naamai vanogona kuita bonde vana vakadongorera zvoita kuti vaite shungu dzekutevedzera zvavanenge vaona zvichiitwa nevakuru,” vanodaro.
Brenda Munhenga (22) uyo anova nhengo yesangano reSister 2 Sister, anoti akadzidza zvakawanda zvinosandura raramo yake uye ava kugona kugadzira magetsi, kutengesa nekushanda mumahotera mushure mekuita zvidzidzo achitsigirwa nesangano iri.
“Ndakatsigirwa nesangano reUNFPA ndikaenda kuKenya kumusangano waitaura maringe nekusimudzira raramo yevechidiki.
Mushure mekupedza Fomu 4, ndakangogara pamba saka pakapinda chirongwa cheSister 2 Sister ndikapinda muzvirongwa zvakawanda.
Ndava kuzivisawo vamwe vechidiki maringe nenyaya dzeutano hwesikarudzi, kudzivirira HIV nenyaya dzekuzvibata,” anodaro.
VaWalter Chikanya, vanova director wesangano reZICHIRE, vanoti vari kutsigira chirongwa cheSpotlight Initiative vachitsigirwawo neUNFPA chinangwa chavo chiri chekuderedza mhirizhonga.
Sangano reZICHIRE riri kutsigira zvekare chimwe chirongwa mudunhu reMashonaland West, cheBrother 2 Brother Initiative, icho chine donzvo rekurwisa mhirizhonga dzinoitika pakati pevarume.
VaChikanya vanoti vanakomana nevarume vakuru vanowanza kuonekwa sekunge vasingawirwe nemhirizhonga zvisinei nekuti kune nyaya dzakawanda dzinovabata sekumbunyikidzwa nenzira dzepabonde.
Vanoti chirongwa ichi chiri kuitwa zvekare kuUzumba Maramba Pfungwe, kuMudzi nekuMarondera.




